Akazvambaradza mudzimai abika ‘soya chunks’

28 May, 2021 - 18:05 0 Views
Akazvambaradza mudzimai abika ‘soya chunks’

Kwayedza

Danisa Masuku

MURUME anogara mumusha wePumula South, kuBulawayo, akazvuzvurudzirwa kudare nemudzimai wake mushure mekunge amurova kunge nyoka yapinda mumba apo akasvika kumba ndokumuwana achibika masoya chunks ekudyisa nesadza uye ndokuramba kumubikira mazai aaida.
Tuckson Makotore (37) anonzi akasvika pamba akadhakwa ndokuwana mudzimai wake, Grammar Machacha (33), achibika masoya chunks.
Akamuudza kuti aive asingade masoya chunks asi mazai.

Mumwe anoziva nezvenyaya iyi anoti pakabva pamuka kusanzwisisana pakati pevaviri ava vachinetsana pamusoro pekuti vodyisa sadza nei.
Makotore anonzi akabva atora mazai mashoma kubva mutireyi asi mudzimai wake haana kuwirirana nazvo.

Nekuda kwekushatirwa, Makotore akatora tireyi yaive nemazai 21 achibva airovera pasi zvikaita kuti ose apwanyike.
Akabva atanga kurova mudzimai wake nezvibhakera pamwe nebhutsu muviri wose achimupomera kuti akange asingamuremekedze.
Makotore anonzi akaenderera mberi nekutora matomatisi anotengeswa nemudzimai wake achibva aarasira kure.

Machacha akakuvara ziso nepambabvu.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kukamba yemapurisa yePumula Police Station Makotore achibva asungwa.
Mapurisa akashevedza amburenzi iyo yakatakura Machacha kuenda naye kuchipatara.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kuBulawayo, Assistant Inspector Nomalanga Msebele, vanotsinhira nyaya iyi.
“Ndinotsinhira kuti takasungwa murume ari kupomerwa mhosva yekurova mudzimai wake mushure mekunge amuwana achibika machunks ekuti vazodyisa sadza. Tinoda kukurudzira veruzhinji, kunyanya vari muwanano, kuti vagadzirise kusanzwanana kwavo mune zvakanaka kwete kuita mhirizhonga.

“Kana vachinge vasangana nedambudziko remhirizhonga mudzimba, ngavatsvage vanovayananisa vakadai semafundisi, vechikuru munharaunda dzavo kana mapurisa,” vanodaro.

Makotore akatomiswa mudare reWestern Commonage pamberi pemutongi Shepherd Mnjanja achitarisana nemhosva yekurova mudzimai wake.
Ari kuramba mhosva iyi uye achadzoka mudare munguva pfupi inotevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>