Akazvara sekera mudende!

08 Oct, 2015 - 16:10 0 Views

Kwayedza

SVONDO rino ngatimbotarisana nevabereki, kunyanya vane vana vakura zvokuti hazvivashamisi kuti kana ari mukomana, vanonzwa kuti aitisa musikana pamuviri, achifunga kuti kuita zvepabonde zvinhu zvokutamba nazvo. Zvimwe chete nevanasikana. Pamwe unongozoona ave nepamuviri, iwe mubereki uchifunga kuti mwana ari kuita zvechikoro.

Zvinorwadza, asi ndinoda kuti muti makorokoto makuru kuti munogona kuziva mhosva dzinenge dzichivanzwa nevana. Tikatsvaga kuti vari kuenderei pabonde, tinganyore bhuku chairo. Asi tinoda kutarisa kuti imi savabereki ndezvipi zvamunoita kana dambudziko iri rauya mumba menyu.

Kana ari mukomana munomuita bhurumashanga here rinosiya vana pose pose?
Musikana anogona kutizira achiti ane pamuviri pemwana wenyu, munomutambira sei? Munomutambira motonga nyaya kusvika maona chokwadi, kana kuti ndimi munotungamirira mwana wenyu kuramba musikana waakadanana naye kusvikira vaitisana pamuviri?

Mubvunzo, nokuti ruzhinji rwavabereki rwunoti kana paitika zvakadai vanowanikwa vachitora mativi avanotsigira.
Regai tipe muenzaniso kuti nyaya ijeke. Musikana anobata pamuviri, otiza mukumbo. Nyaya zhinji dzatinosangana nadzo ndedzokuti mukomana haakurumidzi kubvuma kuti ndiye muridzi wepamuviri. Musikana anogona kutandaniswa kana kurohwa chaiko.

Zvikazoita kuti musikana atizira kumba kwevabereki vemukomana, tazvionawo zvakare kakawanda kuti vabereki vemukomana ndivo vanenge vari pamberi kuramba musikana uyu nepamuviri pacho zvose.

Vanoramba kunge ndivo vakadanana nemusikana uyu. Vamwe vanoramba vachiti musikana ari kunyebera mwana wavo, voita kunge vaifamba nemwana wavo pose pose.

Hongu, varipo vasikanawo vanogona kunge vakasangana nevakomana vamwe panguva imwe chete zvokuti vanenge vasisazive kuti pamuviri apa ndepani, asi handi vose vakadaro.

Kuvabereki vomusikana, zvimwe chetewo. Anonzi enda kumuridzi wenhumbu. Kana akanorambwa marambirwo andatsanangura, odzoka kumba, vanonomuti dzokera kumuridzi wenhumbu.

Saka anenge ave munhu ari kurambwa navabereki vake, nemukomana zvakare, achirambwawo nevabereki vemukomana.
Mhedzisiro yemusikana uyu nemwana waakatakura mudumbu yakamira sei? Kana akomberedzwa nendaza yekurambwa, munofunga kuti chaakatakura mudumbu anochidawo here, nokuti chinenge chamuparira?

Vamwe vasikana vanorambwa vachinzi hausi we”type” yangu nokuti hauna kufunda. Mukomana anozoona kusafunda kwemusikana patove nemwana ari mudumbu.

Hongu angasave mukomana akaitisa musikana uyu pamuviri, uyewo musikana angasave akafitana nemukomana nekuti haana kudzidza iye mukomana aine dhigirii!

Honguwo zvakare kuti vabereki vemusikana mungacheme kuti makange makatarisira tsvitsa, pane kuti mwana akunyadzisei nekuita pamuviri asina kuwanikwa.

Mukomana nemusikana rudo rwungagone kusvava mushure mekunge musikana angotsika mwedzi. Zvakawanda zvingarwadze, asika, mwana avemo mudumbu, amirira kuzvarwa nekuraramawo zvakanaka. Amirira kudiwa.

Mese pamunenge muchishatirwa nekugamhidzana mashoko, munombodzamisawo here pfungwa kuti muone kuti pane upenyu hutsva huri kuuya?

Munombofungawo here kuti mwana amirira kuzvarwa uyu achazovei? Kunyanya madzimai nokuti ndivo vamwe vatinonzwa vachinzi vanoenda pamberi zvikuru vachiti, “Mwana wangu haaroori zvakadai?”

Pese apa, handisi kuti vana vanenge vaita zvakanaka, asi kuti rangai vana muchizivawo kuti munofanirwa kugamuchira mwana mutsva achazvarwa, nokudzivirira mamwe matambudziko anosanganikwa nawo panenge paita dambudziko rakadai.

Pamunozonzwa kuti musikana abvisa pamuviri kana kuti azvara mwana akamurasa, munonzwa sei? Munoita hanya nazvo here kana manzwa kuti pane mucheche anhongwa asi mupenyu kana kuti ashaya? Munodzora pfungwa here kuti zvichida ndiye uya watakaramba?

Huwandu hwevasikana vari kuita pamuviri vasina kuwanikwa huri kuramba huchiwanda, saka vabereki mucharamba muchiramba vazukuru venyu kusvika riini? Muchasvika kupi muchitsoropodza vasikana vanenge vaita izvi, imi muri imi makatanga kuomesa moyo yenyu kuita matombo?

Ndosaka zvichinzi akazvara sekera mudende!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey