Uncategorized

Akazvarira mumugodhi….mvura ichimusvika muhuro…akachekwa rukuvhute arimo

15 Oct, 2020 - 11:10 0 Views
Akazvarira mumugodhi….mvura ichimusvika muhuro…akachekwa rukuvhute arimo Princess Machona akabata mwana wake

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUNYAYA inoshamisa nekusuwisa, ichiita kunge bhaisikopo, mudzimai wechidiki wemuHarare akarwadziwa nepamuviri painge pakwana, ndokubuda mumba kaverevere achibva anozviwidza mumugodhi wemuvakidzani une mvura umo akarwarira kwemaawa maviri, ndokuzosununguka mwana chigwindiri arimo.

Kusvika paakazonunurwa neveruzhinji mumvura yaimusvika muhuro, mukadzi uyu ainge akangosimudza kasvava kake mudenga kuti kasany’ure kana kunwa mvura.

Princess Machona (23), akabara mwana airema 3,7kg ari mumugodhi kuNew Mabvuku umo akazoburitswa pamwechete nemwana wake mushure memaawa maviri.

Mugodhi uyu uri panhamba 10917 Kugarika Kushinga Housing Cooperative uye Machona anogara nevabereki vemurume wake panhamba 10901 mumusha mumwe chetewo.

Machona anoti akasunungukira mwana wake mumugodhi umo akawira oga pasina akamusandudzira mushure mekunge arambwa kubatsirwa pakiriniki yeko.

Amai nemwana ava vasati vaburitswa, rukuvhute (guvhu) rwakachekerwa mumugodhi imomo.

“Pandakaona mwana ava kurova-rova musana uye ndava kurwadziwa zvakanyanya, ndakabuda mumba ndokunogara pamugodhi waMai Jogo. Handizive kuti zvakazofamba sei asi ndinofunga kuti ndakauvhura nemakumbo apo ndaiyuwira nemarwadzo. Ndakazochechuka ndava mumvura yaindisvika muhuro.

“Ndakarwadziwa ndirimo – kubva kuma4 dzekuseni kusvika kuma6 mangwanani iwayo – kudzimara ndabara ndirimo. Ndakadya dhaka remumadziro memugodhi pandaipera simba ndichingorwadziwa ndichiti ndiwane simba rekusunda mwana. Mwana uyu, Emmanuel, ndewepiri ane kahanzvadzi kake kane makore maviri,” anotsanangudza Machona.

 

Mugodhi wakabarira Princess Machona

 

Anoti akazosonwa masitichi paEdith Hospital, iye nekasvava kake ndokuzopfuudzwa kuParirenyatwa Group of Hospitals uko vakagara mazuva matatu.

“Ndakanosonwa masitichi nekuti ndakatsemuka pakubara mwana wangu uyo pari zvino asati asvitsa mwedzi. Ndiri kurwadziwa kwazvo nemusoro nemusana mushure mekurovera kwandakaita, handina kurapwa nekuti kuchipatara vakati ndinofanira kutanga ndatorwa X-Ray apo hatina mari yacho.

“Dai ndawanawo vanondirapisa nekuti maoko ose ari kurwadza kana kuwacha nekutakura mvura zviri kutondinetsa,” anodaro.

Vamwene vake, Mai Fortunate Pfende – avo vaanogara navo pamwe chete nemurume wake Simbarashe Mazivangei – vanoti havana neremuromo zvichitevera mashura aya.

“Mubvunzei henyu kuti chii change chamupinda nekuti ini pachezvangu kutaura chokwadi handisati ndatomubvunza kuti ainge apindwa nemweya wei. Ndiri kutoshaya pekutangira. Zvandakaitirwa nemuroora wangu rwendo rwuno zvinotyisa.

“Vatezvara vake vakashaya saka tinogara naye nemurume wake uye nevanasikana vangu. Nomusi wa16 Gunyana, nhumbu yake yakarwadza achibva aenda paMabvuku Clinic asi akadzoswa zvichinzi hapana varapi. Saka vaifanira kutoenda kuEdith Clinic, kuMbare uye iye anoti vamwe vake (vakazvitakura) akanzwa vachiti vakadzorwawo ikoko.

“Saka takati regai tigare pamba tigoenda naye kunze kwayedza asi nhumbu yake payairwadza husiku, taingonzwa achingogomera uye ndipo paakangobuda panze,” vanodaro.

Vanoti pakutanga vakafunga kuti abuda kuti afurwe nemhepo.

“Takangoti ari kuda kufurwa nemhepo. Asi patakaona kuti nguva yareba munhu ari panze, ndakabva ndamutsa murume wake ainge arere pasofa tikatanga kumutsvaga,” vanodaro.

Mai Pfende vanoenderera mberi: “Takamushaya zvikatityisa. Ndakaedza kutevedza tsoka dzake ndichivhura migodhi asi hapana chandakaona. Ndakafonera mwana wangu mupurisa ndichimuudza akanditi ndimhan’are kumapurisa.”

 

Mai Fortunate Pfende

 

Vanoti kunze kwakayedza vachitsvaga muroora wavo ndokuenda zvakare nekukiriniki kwaainge ambodzorwa asi vakamushaya.

“Ndava kudzoka kumba, ndipo pandafonerwa zvichinzi muroora awanikwa ari mumugodhi. Ndakarohwa nehana ndichibva ndafenda nekuti ndakafunga kuti afa nekuti mugodhi iwoyo ndiwo waitibatsira nemvura,” vanodaro Mai Pfende.

Vanoti pavakasvika kumba kwavo, havana kuda kuenda kune mugodhi wainzi wawanikwa muroora wavo ari sezvo paive pakazara vanhu.

Mai Pfende vanoti mumwe murume ane mhotsi mumusoro ndiye akasvikopinda mumugodhi achibva abuda achiti ainge atya kuvabudisa sezvo rukuvhute rwemwana rwainge rwakabatana naamai.

“Pakanotengwa reza patakishopu ndokumupa vakamuzivisa kuti anocheka sei rukuvhute. Kasvava kakazoiswa muchitini maive negumbeze kachibva kaburitswa. Amai vemwana vakabva vasaramo, ndokuzodhonzwawo nevarume vanomwe,” vanodaro.

Mai Pfende vanoti, “Takazovaendesa kuMabvuku Clinic asi vakapfuudzwa kuEdith Clinic nekuParirenyatwa Hospital uko muroora akanzi Bp yake yainge yakakiwra. Kunze kwaizvozvo, iye nemwana vakaonekwa vakanaka havo zvisinei nekuti anoti ari kurwadziwa nemusoro nemusana zvaakarovera paakawira mumugodhi.”

Mai Jogo avo vanova muridzi wemugodhi wakasunungukira Machona vanoti vakangonzwa izwi raivashevedza nechekure vari kutsi kwehope apo vakazomuka ndokuona manenji aya.

 

Mai Jogo (kuruboshwe) naMai Pfende vachitaridza mugodhi mutsva uri kucherwa nemurume waPrincess Machona

 

“Ndakangonzwa izwi nechekure-kure kuti Mai Jogo, Mai Jogo-o! Ndakamutsa mwana wangu asi akati siyanai nazvo ko kana vari varoyi? Ndiyani angadeedza munhu husiku hwakadai?

“Patakazomuka mwana wangu ava kugadzirira kuenda kubasa, ndipo patakaona zambiya pamugodhi. Mwana wangu akadongorera ndokuona ari mai Tanika mudzimai waSimba akatobata kamwana zvikatityisa. Takadongorera tikatoona akamusimudza mudenga kuti asanwe mvura,” vanodaro.

Vanoti vakabva vazivisa vamwene vaMachona nevamwe vanhu.

Mugodhi uyu ndiwo waibatsira vanhu venharaunda nemvura sezvo nzvimbo iyi isati yava nemvura yemupombi.

Zvisinei, Mai Jogo vanoti mugodhi uyu vakatouvhara uye murume waMachona ava kuvacherera mumwe semunhu agara anoita basa iri.

Nyanzvi dzinoona nezveutano dzinoti zvakaitwa naMachona zvinhu zvinoitika  kana munhu achinge arwadziwa zvakanyanya, zvikuru nepamuviri sezvo anogona kumborasika njere.

Mai Edinah Masiyiwa, avo vanova executive director weWomen’s Action Group, vanoti matambudziko erudzi urwu anonyanya kuwanikwa kana madzimai akasunungukira panzvimbo isina kukodzera.

“Munhu anorwadziwa nemimba anoita zvose-zvose nekuti marwadzo iwayo akakomba kwazvo. Ndiko kusaka zvichinzi munhu anofanira kusunungukira kuchipatara achitobatsirwa. Mikana yekurasikirwa neupenyu hwemwana kana naamai yakawanda kuvanhu vanosunungukira kudzimba.

“Nekuda kwekudhura kwezvipatara, kuramwa mabasa kwevarapi uye zvitendero, madzimai awanda ari kusunungukira kunananyamukuta vemikoto izvo zvinoisa upenyu hwavo panjodzi,” vanodaro.

Munyaya inoda kudyidzana neiyi, kunyika yeMozambique gore rapera kune mudzimai akabarira mwana wake akakwira mumuti wemumango umo ainge akwira nemhuri yake zvichitevera mvura yainaya iine dutumupengo yeCyclone Idai ikakonzera mafashamu.

Mudzimai uyu anonzi aive nemwanakomana wake vari mumuti umu apo akatanga kurwadziwa nemimba kusvikira azvisunungutsa ari oga apo ainge akabatirira pamapazi emuti. Akazonunurwa mumuti uyu nevavakidzani kwapera mazuva maviri.Chiitiko ichi chinotevera zvakare chimwe cherudzi urwu chakaitika kunyika iyi makore 20 adarika apo mudzimai weko akasunungukira mumuti maaive ahwanda mafashamu emvura akazonunurwa nechikopo-kopo.

Share This:

Sponsored Links