Uncategorized

Akazvigadzirira ‘coffin’ •rinochengeterwa mumuti •‘uyu ari kutotanda botso’

29 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Akazvigadzirira ‘coffin’ •rinochengeterwa mumuti •‘uyu ari kutotanda botso’ VaPeter Dodzo vari mubhokisi iro vakazvigadzirira — Mifananidzo naTertia Makurumidze

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME anogara mumusha weGlen View 3, muHarare, ashamisa veruzhinji veko zvichitevera kuzvigadzirira kwaakaita bhokisi (coffin) resimbi iro anoti anoda kuti mutumbi wake uzovigwamo kana azofa. VaPeter Dodzo (70) vanoti vakaita izvi neshungu dzekunge vadzingwa mumba mavo neaimbova mudzimai wavo nevana vachivati vanovashusha.

VaDodzo vave kugara pamhene pamberi pemba yavo yemudurikidzwa iri panhamba 4566/10th Street kuGlen View apo vari kurara muzvimotokari zvavo zvembiri yakare izvo zvakafa unova mucherechedzo wekuti vaimbova shoroma.

Murume uyu ari kugarisa bhokisi raachada kuti mutumbi wake uzovigwa naro muzimuti remukotopeya riri pamberi pemba iyi.

VaDodzo vanoti dambudziko rekurwiswa nemudzimai nemhuri yavo rakatanga apo vakarambana nemudzimai wavo, Mai Phillipa Choba (63).

Sekutaura kwavo, vanoti izvi zvakaitika mushure mekunge vazadzwa njovhera nemudzimai uyu.

“Mushure mekurwadziswa ndadzingwa mumba apo ndakaenderwa kudare nemudzimai wangu nevana, ndakangoona kuti ndangofanana nemunhu akafa kare. Saka ndakazozvigadzirira kofini rangu iro ndakazviyera uye rinogara mumuti.

“Pandinenge ndafa, vazukuru vanoritora vondivigisa naro asi handidi kupinda mumba umo ndakadzingwa sembwa,” vanodaro.

Zvisinei, Mai Choba vanoti havana hany’a nekuti VaDodzo vari kugara pamhene vachiti aya “mazvokuda mavanga enyora”.

Vanovapomera VaDodzo kududunya kudya mari yavo yepenjeni voga uye kuti vakange vasingabvire munyaya dzemadhirezi.

Murume uyu anoti akaroorana naMai Choba mugore ra1978 apo vaigara kumusha kwavo mubhuku raMarimbita, kuHonde Valley.

“Ndinogara mumota dzangu, ndimo mandinoisa magumbeze, mbatya dzangu, chikafu nechitofu chekubikisa. Tsvina ndinoitira mumugomo uyo ndozorasa mugomba randakachera.

VaPeter Dodzo vari mubhokisi mumuti wemukotapeya

“Tsime ndakachera iro rinotocherwa mvura neveruzhinji vemuno, pekugezera ndinapo, ndakatoisa tabhu iyo ndakakomberedza nemapepa,” vanodaro VaDodzo.

Vanoti vane vana 4 nemudzimai uyu uye mumwe wevana vavo anogara achivarova.

VaDodzo vanoti mwana anovarova uyu rimwe zuva akambovasunga netambo akavakanda nepamusoro pemudhuri wejuraworo zvikaita kuti vakuvare.

“Ndaishandira kuGweru apo mudzimai aigara kumusha kwaHonde. Ndakazobva kubasa ndokuenda kumusha apo ndakasvikosangana navadzimai ndichibva ndabatwa nesiki iyo ndakarapwa. Mudzimai uyu zvakare tiri kuGweru, akabvisa pamuviri pandaisaziva kuti ndepaani nekudaro takazorambana mugore ra1999,” vanodaro.

VaDodzo vanoti vari kugara pamhene apa kubva mugore ra2013 apo vakapihwa gwaro rerunyararo nedare redzimhosva mushure mekunge vamhan’arirwa neaimbove mudzimai wavo uyu.

“Takaenda kudare ndikanzi ndibude mumba apo mudzimai nevana vaiti ndaigara nepfuti yemhando ye303 yekuda kuvapfura. Asi chinonetsa gwaro rangu rekugara naro repeace order handina kuripihwa kana kuriona,” vanodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kuona magwaro ekutongwa kwakaitwa nyaya iyi zvakazoita kuti VaDodzo vaburitswe mumba nemhuri yavo.

Murume uyu anogara mumotokari dzake ina idzo dzakafa dzinosanganisa Alfa 33, Renault Fuego, Valiant, Alfa Romeo neAlfeda.

VaDodzo vanoti vaishanda sa”laboratory technician” uye vakazopihwa mari yavo yemudyandigere mugore ra1995 ndokuzoramba vachishanda mamwe mabasa uye iye zvino vari kusevenzera muguta reHarare.

Mimwe midziyo yakatengwa nemurume uyu asati aenda pamudyandigere inosanganisira midhudhudhu mitatu uyewo akavaka imba ine mudurikidzwa munova umo akadzingwa iyo yaanoti akavaka kubva mugore ra1979.

VaDodzo vanoti vakazoroora mumwe mukadzi vakaita naye vana vaviri.

“Zvose zvakaitika hazvichina mhosva, dai paine aigona kundibatsira kuti ndidzoke mumba mangu ndaimutenda zvikuru. Ndakashanda ndikavaka imba iyi asi nhasi ndava kugara panze.

“Bhokisi rangu iro ndakarigadzira makore maviri akadarika rinova restainless steel. Ndikange ndafa vasare zvavo vagarike.”

Zvichakadai, Mai Choba —avo vari kugara nevana vavo nevazukuru pamba apa — vanoti hapana chinoshamisa kuti aimbova murume wavo uyu agare panze.

“Murume uyu aishanda basa rakanaka zvikuru apo takavaka imba ino ndokutenga motokari dzake dzakanaka kusanganisira imwe yaiita seyaibhururuka achinyenga vasikana.

“Inini ndaigara ndichirohwa kunge ndichafa, regai agare panze ipapo. Kana zviri zvesiki nekunzi ndakambobvisa nhumbu yechikomba kunyepa uko,” vanodaro.

Vanoti dambudziko ravo guru rakauya apo VaDodzo vakapihwa mari yepenjeni ndokuenda kunogura muchato vachiti vaida kudya mari voga.

“Ini ndine vana 4 naye, akazotorawo vamwe vakadzi 3 pane mumwe waakaita naye vana vaviri avo vari kuchengetwa mumusha wenherera. Pakunetsana kwedu takazoendesana kudare iye akapihwa peace order yemakore mashanu yekuti abude mumba. Handidi kuti adzoke mumba, anondiuraya,” vanodaro.

Mai Choba vanoti zviri kuitwa naVaDodzo hazvina kumbosiyana nekutanda botso sezvo vachiti amai vavo vakafa ivo vachisasana neshamwarikadzi kuhotera kuNyanga.

“Ibotso ravave kutanda iri, chokwadi amai vangafe here iwe uine pfambi muhotera? Amai vake vakafira mumaoko angu kwaHonde,” vanodaro Mai Choba.

Vanoti imba yekuHarare neyekumusha zvose ndezvemwanakomana wavo gotwe izvo zvavanoti ndizvo zvakataurwa nedare.

Mai Choba havana kujekesa kuti sei murume uyu achiri kugara panze asi iwo makore mashanu akapihwa nedare akadarika.

“Bhokisi raakazvigadzirira rekuzovigwa naro riripo, ngaafeka tione! Anogara achitenga mushonga wemakonzo achida kunwa uye pamwe pacho akambotora tambo achida kuzvisungirira, ngaafe. Hama dzake dzose hadzimude nekuda kwehunhu hwake,” vanodaro.

Mai Choba havana zvakare kuburitsa magwaro erunyararo avanoti vakapihwa kudare redzimhosva.

VaDodzo vanoramba kuti vari kutanda botso vachiti amai vavo vakafa vari kubasa uye vanorambawo nyaya yekuti vakadya mari yepenjeni voga nekutiwo havawirirane nehama dzavo.

“Ndine muzukuru wangu wandakataurira zvekuita kana ndafa, ndinongoiswa mubhokisi irori ndonovigwa kwandakasarudza uye zvimwe zvamunotaurirwa manyepo,” vanodaro VaDodzo.

Share This:

Sponsored Links