‘Akazviruza’ akecha mubhawa

03 May, 2019 - 00:05 0 Views
‘Akazviruza’ akecha mubhawa Asst Insp Masikati

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME anogara papurazi reGoodhope, kuMazowe, akazoigochera pautsi apo akakecha mumwe mukadzi anotengesa muviri mubhawa reko, ndokushinha vose achibva amubhadhara mari shoma, pashure ndokuzongoerekana “azviruza” apo akaona asisina sikarudzi yake.

Izvi zvakaitika kuna Kudzi Mutorangombe (35) apo aifara mubhawa reTsungubvi, kuGlendale.
Kudzi ari kunzi akatorana nemumwe mukadzi kuma1 kunze kwave kuedza ndokuenda kunodanana kunzvimbo iri musango inongozivikanwa nekuti kuRailway Line kana kuti kuNjanji.

Vapedza mabasa avainge vaenderako, muchinda uyu akabhadhara RTGS$5 bedzi panzvimbo pemari yavakange vawirirana ndokubva vaviri ava vaparadzana.

Pakarepo, Kudzi akazongonzwa orwadziwa nemuhudyu nekunzwa seanoda kurasa weti.
Ndipo paakaona kuti ainge “azviruza” achibva arova bara akananga kukamba yemapurisa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Petros Masikati, vanotsinhira nezvemashura aya.
“Nyaya yemurume akashaya sikarudzi yake apo akadanana nemukadzi wemubhawa ndokunoshereketa vose mushure mekunge vawirirana kubhadharana mari isina kuzivikanwa tinayo. Murume uyu anoti akangobhadhara $5 yerudo rwechidimbu urwu iyo yaiva isina kukwana. Mudzimai uyu akazongoshaika iye ndokuzoona kuti nhengo yake pakanga pasisina,” vanodaro.

Vanoti matsakatikiro akaita sikarudzi yemurume uyu haasi kunyatsozivikanwa sezvo vaviri ava vaingova voga musango pakaitika nyaya iyi.

“Murume uyu anonzi airwadziwa zvikuru apo akazoona kuti nhengo yake yakanga yanyangarika angosara neganda chete. Anonzi panguva iyo aida kuita weti, akanzwa sekunge akadhonzwa kana kugwinhwa nemagetsi apo akabva aona asisina chinhu.

“Ipapo ndipo paakazonanga kukamba yemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuGlendale uko akanomhan’ara nyaya yake achitsvaga kubatsirwa,” vanodaro.

Mukadzi waanonzi akashinha naye anonzi mutsva muGlendale uye anofungidzirwa kuti akanga ashanya achibva kuHarare achivinga shamwari dzake dzinogara munzvimbo iyi.

Kudzi — kuburikidza nekurwadziwa uyewo nekuda kutsvaga rubatsiro kuruzhinji — anonzi ainge ongofamba achiratidza vanhu vose-vose vaaisangana navo kuti vaone dambudziko rake.

Mamwe mashoko anoti murume uyu akamboendeswa kumaporofita nevamwe vanhu vanomuziva asi hapana zvakanobatsira.
Mapurisa ekuGlendale vakazonyorera murume uyu tsamba – iyo ine Kwayedza — yekuti aende kuchipatara cheConcession kunobatsirwa uko akaperekedzwa nemukadzi anonzi Angel Mabhekani (37) wemuTsungubvi uye hazvizivikanwe kuti ukama pakati pavo hwakamira sei.

Panguva yaiedza kubatsirwa Kudzi nemapurisa, baba vake VaJonathan Muterangombe, vanonzi vakaziviswawo nezvenyaya iyi.
Nyaya iyi ine nhamba dzekumapurisa dzinoti RRB-397445.

Kudzi anonzi akazobva kumapurisa kunze kwaedza apo akatakurwa neimwe motokari uye mapurisa vanoti havasi kuziva kuti utano hwake hwakamira sei pari zvino uyewo nekuti ari kupi.

Asst Insp Masikati vanoyambira vanhu kuti vagutsikane nevadikani vavo mudzimba pane kuita gumbo mumba gumbo kunze.
“Zvichida murume uyu ane mudzimai kumba, mukadzi ozonzwa kuti baba havasisina sikarudzi? Hamuone here kuti kuomesera mumwe wako uku? Ngatisiyanei nenyaya yekudanana nevanhu vose-vose vatasangana navo nekuti kwaanobva nezvaakatakura munyama yake hauzvizive,” vanodaro.

Votaura nezvemashura aya, Mbuya Mary Marumba vekuEpworth vanoti murume uyu anogona kunge akashereketa nemudzimai akaiswa rukawo kana kuti akagadzirwa apo akaramba kubhadhara mari yaidiwa.

“Zviri paviri, dzimwe nguva mukadzi uyu mudzimai wemunhu akaiswa runyoka kana kuti murume uyu akashereketerwa aramba kubvisa mari yavainge vawirirana. Munhu uyu anoda kubatsirwa pachivanhu kuti dambudziko iri ripere, zvikasadaro anogona kufa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>