Akazviuraya aita tsaona 3

23 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Akazviuraya aita tsaona 3 Assistant Commisioner Paul Nyathi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MURUME wekuSt Mary’s, kuChitungwiza, anonzi akafa nekuzvipfura nepfuti mumusoro mushure mekushungurudzika kwakanyanya apo akange aita tsaona nemotokari nhatu pazuva rimwe chete.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nezvenyaya iyi vachiti yakaitika nomusi wa2 Nyamavhuvhu.

“Nyaya inorwadza iyi yakaitika apo Tapiwa Kapesvu (52) anonzi akaita tsaona nemotokari nhatu pazuva iri achibva aenda kumba, uko akanotaurira mhuri yake nezvenyaya iyi. Apa anonzi airatidza kushungurudzika kukuru nechiitiko ichi. Saka akazopinda mumba ndokuzvipfura nepfuti,” vanodaro.

Vanoti mhuri yake yakatozomuona akawira pasi mumba umu achibuda ropa pahuma vachibva vamhan’ara nyaya iyi kumapurisa avo vakazoendesa mutumbi wake kumochari.

“Nyaya iyi inorwadza zvikuru nekuti takarasikirwa neupenyu asi tichiri kuiferefeta kuti tione kuti murume uyu akazviuraya nekuda kwetsaona here kana  kuti zvimwe zvinhu. Saka tichiri kuendererera mberi nekuiongorora,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links