Akazviuraya ‘chimoko’ chaenda nemukorokoza

21 Jan, 2021 - 11:01 0 Views
Akazviuraya ‘chimoko’ chaenda nemukorokoza

Kwayedza

Danisa Masuku

MUKOMANA aive nemakore 17 okuberekwa aigara papurazi reSprings Farm, kuUmguza, kunze kweguta reBulawayo, anonzi akazvidamburira upenyu hwake panzira apo akazvikanda mudhamu ndokuny’ura mushure mekunge musikana wake amuramba ndokunodanana nemukorokoza.

Mutauriri wemapurisa kuBulawayo, Inspector Abednico Ncube vanotsinhira nyaya iyi.

“Tiri kuferefeta nyaya yemukomana aive nemakore 17 okuberekwa uyo akawanikwa mutumbi wake wakayangarara pamusoro pemvura mudhamu kuSprings Farm iri kuUmguza, kunze kweguta reBulawayo,” vanodaro Insp Ncube.

Mumwe wemhuri yemukomana uyu anoti Mthabisi Joel Nkiwane akarwadziwa mushure mekunge chido chemwoyo wake chahwapurwa nemukorokoza.

Mthabisi anonzi nemusi weSvondo wadarika pamberi, apo airwadziwa nekutorerwa musikana wake, akabva pamba mangwanani achiti ainogerwa musoro.

Anonzi haana kumbobvira aenda kunogerwa musoro sekutaura kwake, asi kuti akabva ananga kudhamu.

“Vabereki vake vakazotanga kushushikana mushure mekunge asina kudzoka kumba zuva iri ndokubva vamhan’ara kumapurisa,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Apo vanhu vemunharaunda vaimutsvaga, vakazoona mutirauzi wake nechikepisi zviri mamita mashoma kubva padhamu iri. Mushure mekunge vatarisisa panzvimbo iyi, vakaona mutumbi wake wakayangarara pamusoro pemvura mudhamu.”

Vanhu vakazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ndokubva mutumbi wake wazoburitswa mudhamu nevechikamu cheSub-Aqua chiri pasi peZimbabwe Republic Police.

Mumwe ari kuona nezvekuferefetwa kwenyaya iyi anoti Mthabisi akasiya anyora tsamba achitsanangura kuti akazviuraya nekuti akange arwadzihwa zvakanyanya nekutorerwa musikana wake.

“Tsamba iyi yaitsanangura kuti aive agurwa kunorira zvichitevera kutorerwa kwaakaitwa musikana wake uyo aidisisa. Akatadza kuzvitambira ndokubva afunga kuzviuraya,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey