Mashura parufu: ‘Chitunha’ kuridza ngoma

0 Views

Kwayedza

MASHURA ekupi akadaro? Mhomho yevanhu vaiva parufu rwemumwe murume wechidiki mumusha waGweshe, kwaChivero, kuMhondoro inonzi yakadzvamuka rikava bararamhanya apo mushakabvu uyu akaerekana ave kuonekwa mumba maiva muine bhokisi raiva nemutumbi wake

akamira pangoma achiidandaura zvakasimba pamwe chete nekushaura nziyo.
Masaramusi aya anonzi akaitika pamba paSabhuku Gweshe, apo paiva pashaika Marshal Gweshe (22).

Muchakabvu uyu akafira kuHarare, mutumbi wake ndokuvigwa nemusi weChina svondo rapera kumusha uku.

Hama dzaMarshal dzakatsinhira mashura aya.

Tete vemuchakabvu, Mbuya Rodah Gweshe (72), vakati: “Kwaiva kuma11 kana kuma12 pakati peusiku, ini ndaiva ndakasvinura, ndakazongonzwa vanhu vachichema, vamwe vachisvetuka nekutiza vachishevedzera kuti, ‘Marshal uyo, amuka’ vamwe vachinopunzikira pabhokisi raiva nemufi. Makanga musisina kumira zvakanaka.”

Vanoti pakuchema uku pane mumwe mudzimai wavanoti vakafunga kuti aiva abatwa neshavi rehuroyi aida kudya nyama yemufi sezvo ari iye mumwe wevanhu vakanowira pabhokisi.

“Ini ndaiva ndakagara ndakazendamira padhoo ndiri kumakumbo kwebhokisi remuzukuru wangu. Ipapo ndipo pakabvunzwa nevamwe vaivemo kuti vaiziva here munhu airidza ngoma, aiva akapfeka chinguwani cheshinda. Vamwe vakati aiva mufi akanga amuka, pakapunzikira vamwe pabhokisi vamwe vakadzvamuka kubuda panze vachitiza kuti Marshal amuka. Vanhu vakadzvanyirirana pamusuwo vachitadza kukwana gonhi rikapotsa rakwachuka,” vakadaro.

Bhokisi raiva nechitunha chemufi rinonzi rakapotsa radonhedzerwa pasi nevanhu vaitsitsirirana rikatozotsigirwa nevamwe vechikuru.

Chakanetsa ndechekuti zvinonzi munhu airidza ngoma uyu aiva akapfeka mbatya dzaizivikanwa kuti dzaiva dzemufi, kusanganisira shati, tirauzi, nenguwani uye izwi raishaura rinonzi raiva richiita seremuchakabvu.

Rwiyo rwaiimbwa panguva iyi rwunonzi rwaiva nemazwi anoti: “Tipeiwo nguva yekuchema gamba redu”, urwo rwunonzi Marshal aizivikanwa achirufarira zvikuru.

“Handifunge kuti ndiMarshal akanga amuka nekuti takazongoona mutumbi wake urimo mubhokisi, tikamuviga zvakanaka pasina dambudziko,” vakadaro Mbuya Gweshe.

Amai vaMarshal, Mai Irene Gweshe (48), vakati ichokwadi kuti pakava nekusagadzikana kwezvinhu panhamo yemwana wavo sezvo vanhu vakangotanga kutaura kuti Marshal akanga amuka akaridza ngoma.

“Nyaya iyi yakataurwa vanhu vakatiza mumba umu apo zvakanzi Marshal akanga amuka achiridza ngoma. Isu hatina kumuziva munhu airidza ngoma uyu, akazongobuda mumba umu tikamushaya kuti akaenda kupi. Pakazobudawo makuhwa ekuti munhu aitevedzera mufi uyu aiva mukomana wekwaMutarahwai vamwe vachiti aiva wekwaMhosva, makare muno,” vakadaro amai vemufi.

Vanoti nyaya iyi yakatanga apo kwakatanga kutaurwa mashoko ekuti vanhu vaone murume airidza ngoma ainzi nevanhu ndiMarshal.

Maiguru vemuchakabvu, Evelyn Gweshe (40), vakatsinhirawo nyaya iyi vachiti zvinhu izvi zvakarongwa nevanhu vaiva panhamo iyi senzira dzekuvhundutsira nekusvibisa nhamo iyi nemusha wekwaGweshe.

“Chokwadi nyaya iyi yakaitika apo isu taiva takagara mumba maiva nechitunha vana vachiimba muno. Takazongonzwa kuti, ‘Yohwe-e! Marshal amuka, ndiye ari kuridza ngoma’.

“Vanhu vakabva vadzvamuka, vamwe vakatotizira mumunda chaimo vamwe vakabva vatongoenda kudzimba dzavo. Asi chokwadi munhu airidza ngoma handina kumuziva uye vanhu vazhinji vaiimba vainge vakadhakwa,” akadaro Evelyn.

Nyaya iri kunetsa ndeyekuti zvinonzi vanhu pavakatizira panze, ngoma iyi yakaramba ichirira kunyange pakanga pasisina munhu aionekwa achiiridza mumba.

Vamwe vevakataurwa navo vanoti nyaya iyi yakaitika, zvisinei kuti mhuri yekwaGweshe iri kuivharidzira.

“Inyaya yakaitika tiripo, vanhu vakatiza panhamo apa vachipunzika zvikashamisa. Kana paiva nevanhu vakaita zvedambe kudaro nepafa munhu vachiti amuka kudzimara vanhu vakawira pabhokisi raiva nechitunha sei varume vaivapo vasina kutora matanho kuvana ava kana kuti yakasvitswa kwashe weko kuti kune vanhu vakatamba nemufi?

“Imhosva-ka iyi, kana vachivaziva ngavavamhan’arire vanotongwa kana chiri chokwadi kuti Marshal haana kumuka masaramusi,” akadaro mumwe murume wemunzvimbo iyi uyo akazviti anonzi Mwendamberi.

Murume uyu akati zvakaitika izvi zvinoratidza kuti mweya waMarshal une shungu nekudaro mhuri yekwaGweshe inofanira kufamba maringe netsika dzechivanhu yotsvaga chikonzero chakaita kuti izvi zviitike kwete kuhwanda vachiti hazvina kuitika.

Asi Mbuya Gweshe vakabvuma kuti Marshal haana kufa nenzira dzakanaka uyo vanoti akarohwa nemamhepo akabva angofa musi wakare iwoyo.

“Marshal haana kumborwara, akangofa zvinoshamisa. Mamhepo akapfuudza muzukuru wangu asi handifunge kuti ndizvo zvingadai zvakakonzera kumuka kwaanonzi akaita achiridza ngoma,” vakadaro.

Sahwira wepamusha apa anonzi akasiya ataura kuti zvaakanga aona panhamo iyi mashura chaiwo.

“Sahwira uyu akadaro achitaura nyaya yekunzi Marshal akanga amuka akaridza ngoma. Asi mashoko aakanzwa chete kwete kuona,” vakadaro.

Votaura nezvechiitiko ichi, mukuru wesangano reZimbabwe National Practioners Association (ZINPA), VaFriday Chisanyu, vanoti chiitiko chakadai chinokwanisika kuitika kana munhu akafa aine shungu.

“Zvinhu zvakadai zvinogona kuitika kana munhu akafa akaromba kana kuti aine shungu dzakanyanya sekufa nekuurayiwa. Saka zvinoratidza kuti mufi uyu ane shungu, zvinogona kuita kuti anokwanisa kudzokera kuhama dzake. Kumuka achiridza ngoma kuratidza kuti ‘muri kundiregerera, ndibatsirei ndinorwa’,” vakadaro VaChisanyu.

Vakati munhu anonzi akaonekwa achiridza ngoma unogona kuve “mumvuri” wemushakabvu apo mutumbi wake waive mubhokisi.

Share This:

We value your opinion! Take a moment to complete our survey