Uncategorized

Amai (83) vogezesa mwanakomana (66)

17 May, 2019 - 00:05 0 Views
Amai (83) vogezesa mwanakomana (66)

Kwayedza

. . . zvose nekumupfekedza

Kingstone Mapupu
CHEMBERE ine makore 83 okuberekwa yekuUzumba, kuMashonaland East, yaratidza veruzhinji veko kukosha kwerudo rwaamai sezvo iri kupepa, kugezesa nekupfekedza mbatya mwanakomana wayo wekubereka uyo ava nemakore 66 okuzvarwa.

Mbuya Annah Pairemanzi (83), avo vanovawo murwere, vava nemakore vachipepa mwanakomana wavo Jealousy Pairemanzi (66) uyo ave kurarama ari panhoo.

Mhuri iyi iri kurarama zvekutambura iri mubhuku raMuzengezi, kwaMambo Nyajina.

Mwanakomana uyu anorwara zvekuti haachakwanisa kuzvibatsira kunze kwekuyamurwa naamai vake avo kunze kwekukwekugara, vanovawo murwere.

Jealousy akafirwa nemukadzi wake wekutanga, pashure ndokuzotizwawo nemumwe waainge aroora achienda kuSouth Africa, achisara oitirwa zvose naamai vake.

Jealousy ndiye oga mwana waMbuya Pairemanzi.

Pamusha uyu panogara vanhu vashanu — Mbuya Pairemanzi naJealousy, nemwanasikana wake Loveness (33) uyowo anonzi murwere ane vana vakewo vaviri.

Pakashanyira Kwayedza musha uyu nemusi weMuvhuro svondo rino, mumba muri kupeperwa Jealousy naamai vake raingova gutukutu kunhuwa nekuda kwekuzvibatsira uko anoita arere uyewo zvinoratidza sekuti ainge aita mazuva asina kugeza kana kubviswa tsvina.

Mbuya Pairemanzi vanoti ndivo vanogezesa mwanakomana wavo.

“Ndingaite sei? Zvino ndomusiya netsvina here? Haagone kumuka kana kufamba, ndipo paanodyira nekuitira tsvina zvose nekurara ipapa. Zvino ndikamusiya zvingaitwe nani?

“Zvekuti ingozi hunge paine rugare. Kana ndiri ini handimbofa ndakada kuripwa mombe yekuti ndinogezesa mwana wangu wekubereka, ndinomuda mwana iyeyu.

“Vakoma nevanin’ina vake vanombotadza kuuya nekuwandirwa nemabasa saka anotomboita svondo asina kugeza inini amai vake ndinomugezesa,” inodaro chembere iyi apo Jealousy anenge arere pahuriri mumba umu.

Kubva paakatanga kurwara kupera kwa2016 Jealousy anonzi haaende kuchipatara nekuda kwekushaikwa kwemari kana chekumutakurisa kuenda pakiriniki iri pedyo nemusha wavo.

“Paakarara ndipapo, hapana zvekuita tangomirira zuva raMwari. Handina mari yekumuendesa kuchipatara kana kumutakura kwacho handigone. Izvozvi kana kuti tizive kuti anorwara nei hapana nekuti haana kumbobvira akaenda kunotariswa kuchipatara.

“Zvamauya imi (Kwayedza) ndiko kuti dambudziko redu rava kuzonzwikwa,” vanodaro mbuya avo vave kutambura kana vachifamba.

Mbuya Pairemanzi vanoti hapana chinowanikwa pamusha pavo kubvira kusipo nezvekudya, nekudaro nguva zhinji vanogara nenzara.

“Pakumugezesa kungotora mvura ndogeza nemaoko angu netawuru zvakadaro, hapana sipo. Chibage ndinacho asi mari yekugaisa haiwanikwe, iye anorwara kudarika tose uyu anogarawo nenzara.”

Nekubatikana nezvainge zvakaita pamusha apa, vatori venhau vakaguma vaita mudeme mudeme ndokusiya “kamari” kavaiva nako kuti mhuri iyi iwane chekudya chezuva iri.

Mbuya Pairemanzi vakaridza mhururu nekufara vachitambira mari iyi.

“Izvozvi ndanga ndisina kana mari yechigayo, machisi kana sauti zvayo. Muno mugwenga chaimo, matoita kuti mumba mangu mupfumbire vanangu,” vanodaro vachiita sevachasvimha misodzi nemufaro.

Jealousy anonzi aimboshanda sabhiridha kuimwe kambani yaizivikanwa zvikuru muZimbabwe.

Murume uyu akangokwanisa kukwazisa vatori venhau pasina kumuka ndokubva angonyarara arere mumagumbeze ayo ave madzoto nekuda kwekubvaruka.

“Dai mwana wangu amboendawo kuchipatara pane kuti angofa takamutarisa kudai. Onai magumbeze acho, anofa nechando uyu sezvo kuno kuchitonhora chando chasvika ichi.

“Iyo inonzi shuga kana sauti hatiizive muno, muriwo tinodya munjonjo usina mafuta.

“Ndiye mwana wangu oga Jealousy wandakaita nemurume wangu uyo akafa. Pavana vake vana, ndine mumwe chete pano uyo anorwarawo. Vamwe vakangoenda,” vanodaro.

Mbuya Pairemanzi vanoti ivowo vanorwara zvikuru uye muviri wavo uri kungokwakwanuka ganda nekuda kwedenda ravasingazive kuti chii.

“Makumbo anondirwadza zvikuru, izvozvi ndava kungokwatuka ganda muviri, handizive kuti chii. Mwanasikana wake Loveness ari pano, asi anorwara zvakare. Musha uno wangova wevarwere.”

Pamusha uyu pane dzimba nhatu dzinoti mbiri dzehuswa idzo dzaparara matenga neimwe diki yakaturikirwa nemarata.

Kuvanhu vasingapazive, pakangofanana nepadongo.

Mbuya Diana Pairemanzi (69) — avo vanova mukadzinyina waMbuya Pairemanzi vanogara pamusha

wavakavakidzana newavo uye vanorwarawo sezvo vakasitiroka.

“Pashaikwa anobatsira mumwe pamusha uno, amainini vanorwarawo nesitiroko, inhamo dzoga dzoga,” vanodaro Mbuya Pairemanzi.

Mbuya Diana Pairemanzi vanotambudzikawo neziso ravanoti rinovarwadza zvikuru.

Felton Pairemanzi (45) — uyo anoitwa munin’ina naJealousy asi ari wekune imwe imba mumhuri yavo — anoti anomboedza kubatsira amaiguru vake zvose nemukoma wake asi vanokundwawo nekushaya.

“Ndinombouya ndichigeza mukoma nenguva dziri kure semunhu anozviitira arere. Mukoma Rangarirai Nyamuzinga (76) vanombouyawo vachivagezesa asiwo nemazuva ari kure izvo zvinoita kuti amai vazovashambidza nguva zhinji. Haisi mhosva yaamaiguru asi kuti kuomerwawo,” anodaro.

Votaura pamusoro pemararamiro ari kuitwa naamai nemwana wavo aya, Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba kwakare, vanoti kana mwanakomana ayaruka, akagezeswa naamai vake inogona kuita ngozi kana kusaita zvichienderana nemamiriro ezvinhu. “Amai ava vari kugeza mwanakomana wavo nekumanikidzika, havagone kumusiya akadaro. Hongu, madzisekuru hama dzaambuya ava vanogona kuzoda kuripisa mhuri iyi, asi ngavatarise mativi ose nekuti mazuva ano mumhuri nemumadzinza vanhu tave kusarudzana zvikuru,” vanodaro Sekuru Katerere.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi ridzai nhare dzinoti 0774 540 444 kana 0782 509 932.

l Tiudzei zvamunofunga nenyaya ino pa: 0714 200 007

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>