Uncategorized

Amai Abhibho: ‘Isu tarwadziwa’

17 Apr, 2019 - 14:04 0 Views
Amai Abhibho: ‘Isu tarwadziwa’ Bibiana ‘Amai Abhibho’ Mapuranga

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VAMWE vanga vachishanda neshasha yemutambo wedhirama unonzi Mawoko Matema — Bibiana “Amai Abhibho” Mapuranga — vanoti varasikirwa zvikuru nekufa kwemutambi uyu sezvo anga chipfumisa basa ravo zvikuru.

Amai Abhibho (47) – akashaya nomusi weMugovera wadarika mushure mekurwara kwenguva pfupi-pfupi.

Anga ave nemakore 47 okuberekwa.

Vanhu vanga vakaungana kuChitubu, mumusha weGlen Norah B, muHarare.

Kwayedza yakasvika parufu rwemukadzi uyu neSvondo yadarika ndokuwana paine gurumwandira revanhu vachichema nehama neshamwari dzaMapuranga.

Vamwe vaishanda naAmai Abhibho vanoti varasikirwa zvikuru zvichitevera rufu rwake.

“Bibiana munhu ange akanaka kushanda naye, aisava nechinya uye aida basa rake pasina kutarisa nyaya dzemari. Aida Mwari zvakanyanya zvekuti munhu wose airwara pabasa aitomunamatira.

“Nezuro chaiye taifanira kushuta firimu naye asi akakundikana kuuya saka paakazofonerwa, akati aisanzwa zvakanaka,” anodaro Patience Musa, uyo anozivikanwa saMai Jilimba mumutambo Mawoko Matema.

Patience Musa

“Pandakanzwa izvi, ndakabva ndafona ndokudairwa nemurume wake ndikashamisika kunzwa kuti ashaika. Ndakabva ndaenda kuHarare Central Hospital ndikanonzwa kuti chokwadi ashaya. Zvinorwadza, vakanaka ndivo vanoenda zvavo,” anodaro Mai Jilimba.

Anoenderera mberi: “Zvinorwadza nekuti hatina kana kumbowana mukana wekuti tivigire mumwe wedu kunyangwe mabanana zvawo kana mushonga mukurwara kwake.”

Stella January – uyo anozivikanwa saAmai Abhibho – anoti akambotaura nemumwe vake uyu achiti ainetseka nekudzikira kwake munyaya dzeutano.

Stella January

“Bibiana mukushanda kwataiita naye, aiva munhu aida basa rake uye aigara zino rake riri pachena achifara. Haairovha kubasa nekuda kweshungu dzake. Aiekita seamai vakanyorovera saka handifungi kuti kune munhu angakwanisa kuzotora chinzvimbo chake akaita sezvaaiita,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links