Amai mupositori vauraya mwana wavo pamasowe, vari musvo

01 Feb, 2023 - 13:02 0 Views
Amai mupositori vauraya mwana wavo pamasowe, vari musvo Insp Nobert Muzondo

Kwayedza

Samuel Kadungure

MUNYAYA inokatyamadza zvikuru, mudzimai wekuBuhera, kudunhu reManicaland, ari kunzi akarovera misoro yevana vake vaviri pazidombo, ndokuuraya mumwe chete wavo apo anoti akanga anzwa “izwi” rakamuudza kuti aite izvi ari pakati pekunamata pamasowe ari musvo.

Mumwe wevana ava akazofefemuka mushure mekubatsirwa nevanhu vakazouya achibva amhanyiswa kuchipatara cheMurambinda, uko ari kurapwa.

Mary Rukobo (24) anogara kwaSabhuku Mashangana, mudunhu raMambo Nyashanu, akatosungwa nemapurisa achipomerwa mhosva yekuponda nekuedza kuponda.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Nobert Muzondo, vanoti Rukobo anonzi akarovera misoro yevana vaviri, ane mwedzi miviri yekuberekwa neane makore maviri okuberekwa, pazidombo nechinangwa chekuda kuvauraya.

Rukobo anonzi akabva auraya mwana wake wemwedzi miviri pakarepo kuchitiwo mumwe wacho ari kurapwa muchipatara cheMurambinda.

Nyaya inosuwisa iyi yakaitika nemusi wa19 Ndira.

Insp Muzondo vanoti Rukobo anopinda chechi yechipositori uye akapara mhosva iyi pamasowe paanonamatira chinhambwe chemamita 500 kubva pamba pake.

Anonzi ainamata nguva zhinji pamasowe aya husiku uye paakapara mhosva iyi aiva ari musvo ari oga nevana vake.

Rukobo anonzi nemusi uyu akabva pamba pake kuma7 dzemanheru achienda kumasowe uku kunonamata nevana vake vaviri.

“Apo aiva pamasowe apa, zvinonzi Rukobo akatanga kuimba nekunamata nezwi raiva pamusoro. Nenguva dzekuma10 husiku, vanhu vaviri vaidarika vanoti Ngonidzashe (36 naJohn Njanji (28) vekwaSabhuku Magunduru vanonzi vakaona kusagadzikana kwemaitiro emudzimai uyu pane zvaaiita vachibva vanotaurira vamwe vemumusha avo vakabva vaenda vakawanda kuti vanoona zvaiitika,” vanodaro Insp Muzondo.

Vanoti ruzhinji rwemusha pavakanosvika pasowe apa, Rukobo akaenda kwavari nehukasha asina kupfeka.

Anonzi akataurirwa kuti amire zvaaida kuita zvose achibva atambira mashoko aya.

“Akabvunzurudzwa ipapo achibva adura kuti aiva auraya mwanakomana wake wemwedzi miviri yekuberekwa nekumurovera musoro pazidombo kakawanda achiti aiva anzwa izwi raimutaurira kuti arovere musoro wemwana uyu padombo,” vanodaro Insp Muzondo.

Vanoti vagari vemumusha uyu vakazotsvaga nzvimbo yose iyi ndokuwana mutumbi wemwana uyu uri pamusoro pezidombo chinhambwe chemamita mashanu kubva pamasowe apa.

Mutumbi uyu waiva nemusoro wakazvimba uine mavanga.

“Mwana wemakore maviri okuberekwa akazowanikwa akafenda pazidombo rimwe chete iri musoro wake wakazvimba zvakare. Ipapo vagari vemumusha uyu vakabva vatanga kumubatsira achibva amuka ndokumhanyiswa kuchipatara cheMurambinda uko ari kurapwa. Mutumbi wemumwe mwana wakazoendeswa kumochari yechipatara cheMurambinda Mission Hospital uchimirira kuongororwa,” vanodaro.

Mapurisa epakamba yeChirozva Base vakazonoferefeta nyaya iyi vachibva vasunga Rukobo nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuponda nekuedza kuponda.

Nyanzvi yezveutano hwepfungwa (mental health specialist), Dr Thomas Nyamudya vekwaRusape, vanoti madzimai akawanda anenge achangobva mukusununguka vanokanganisika mupfungwa vachiita hasha.

Vanoti dambudziko iri rinokanganisa pfungwa nguva zhinji, zvichiita kuti vatadze kudyidzana zvakanaka nevamwe nekuita hasha kuvana vavo vachangobva kuvasununguka, zvinosanganisira pfungwa dzekukuvadza kana kuuraya vana ava.

Madzimai akadai anonzi anoonekwa nezviratidzo zvinosanganisira kugara vakayeva kana kutarisa mudenga pasina chirimo chavanoona, kutaura voga, kuramba kudya nekutaura zvinhu zvisinganzwisiswe.

Vazhinji vemadzimai anodaro vanonzi vanenge vaine nhoroondo yekusagadzikana kwepfungwa,

Dr Nyamudya vanoti dambudziko iri rinogona kutanga kwenguva inoita svondo mudzimai achangosununguka kana mushure megore uye zvinoda kukurumidza kugadziriswa.

“Zvimwe zviratidzo zvedambudziko iri zvinosanganisira pfungwa dzekupotsera mwana kure kana kumukuvadza nedzimwe nzira, kuvhumuka nekutaura zvinhu zvinopesana nevamwe, kunzwa zvinhu zvisinganzwikwe nevamwe kana kuona zvisingaonekwe nevamwe,” vanodaro Dr Nyamudya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>