Amai muri pfambi, muroyi: Tryson Chimbetu

12 Aug, 2022 - 18:08 0 Views
Amai muri pfambi, muroyi: Tryson Chimbetu TRYSON CHIMBETU

Kwayedza

Maria Chiguvari

MUIMBI Tryson Chimbetu akanhongerera kutuka amai vake nyakumutumbura svondo rino achivati vanoroya uye ipfambi.

Bhaisikopo repachena iri rakaitika apo munyori uno aivepo kuGlen View, muHarare uye nyaya iyi ndiyo iri pamiromo yevanhu vazhinji munzvimbo iyi.

Muimbi wemusambo weDendera uyu akatukirira amai vake pamba pemhuri iyi uye mushure mezvo akazorwa nemunin’ina wake, Wilmore.

Tryson anonzi asati atukirira amai vake, akatanga nekupwanya mahwindo emotokari yemukoma wake.
Nyaya iyi haina kumhan’arwa kumapurisa sezvo vemhuri iyi vachiti vanoda kuigadzirisa voga.
Paiitika nyonga-nyonga iyi, Tryson anoti airwira kodzero dzake.

Tryson, uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Sekuru Dhimba, ane nyaya yakabuda munhau zvakare nguva pfupi yakadarika apo vavakidzani vake vaigunun’una vachiti anoridza redhiyo yake zvine ruzha rwakanyanya manheru izvo zviri kuvakanganisa.

Share This:

Sponsored Links