‘Amai ndakavagara matunduru’

05 Jul, 2022 - 08:07 0 Views
‘Amai ndakavagara matunduru’ Malon Gweredza

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wechidiki anogara muUnit F, kuChitungwiza anoti upenyu hwake hwaenda mudondo nekuda kwekutora zvinodhaka zvinosanganisira mutoriro izvo zvakamukonzera kugara amai vake matunduru, ndokuvadashura kuvarova, pashure ndokuzosiira dzidzo yake panzira kuChinhoyi University of Technology (CUT) uko aiita dhigirii.

Malon Gweredza (30), uyo anogara naamai vake nemunin’ina wavo kuChitungwiza, anoti upenyu hwake hwawondongwa nemutoriro nekudaro haachada kuramba achitora zvinodhaka izvi sezvo zviri kumukonzera kuti ararame semhuka.

“Ndiri munhu anogona chaizvo uye ndinotenda amai vangu nekundiendesa kuchikoro nekuti baba vangu handizive kwavari.

Ndakasvika Form 6 ndokuzoendeswa kuChinhoyi University of Technology uko ndaiita degree reVisual Communications rinodzidzisa kutorwa kwemifananidzo nekugadzirwa kwayo nezvimwe zvinofambirana nebasa rekutora nhau.

“Asi zvose zvakagumira pamugwagwa nekuda kwemutoriro,” anodaro Gweredza.

Anoti akatanga kuputa mutoriro mugore ra2019 apo akafurirwa nevamwe vakomana vaanotamba navo kuChitungwiza vachida kungonzwa kuti zvinoita sei.

“Kubva ipapo, upenyu hwangu hwakasanduka kuenda musango sezvo ndaingonzwa hasha nekuda kurwa nevanhu. Ndakasvika pakurova ndare amai vangu vekundibereka uye kuvasandudzira dzakadhakwa. Ndakanga ndava kugara kumabhesi ndisisadzoke kumba uye ndaingodzokera kumba chete kunoba zvinhu zvinosanganisira mbatya dzandaitengesa kuti ndiwane mari yekutenga mutoriro,” anodaro Gweredza.

Anoti mukuputa mutoriro, vanopanana zvijana zvekutenga zvinoreva kuti chijana chikasvika pane asina mari, anoguma ava kumanikidzwa kutsvaga mari yacho, zvomutuma kuba kana midziyo yepamba achinoitengesa.

“Guka rinozivikanwa nekuti crystal meth idambudziko kwatiri vechidiki nekuti tinofunga kuti kuvarairwa kutora zvinodhaka.

Ndinokumbira ruregerero kuna amai vangu nedzimwe hama kuti ndikwanise kudzokera kuchikoro vondibhadharira zvavo mari.

“Ndanga ndava padanho re2.2 kuchikoro kureva kuti ndaifanira kuenda ku’attachment’ kubva ipapo ndozonopedzisa dhigirii rangu.”

Gweredza anoti mutoriro wakaita kunge munyu (sauti) yemagodo uye unoputwa nepombi yesimbi asi hutsi hwacho hunonzi haufanirwe kumedzwa sezvo huchikuvadza mapapu nematumbu.

“Ndinoyambira vamwe vechidiki kuti vasiyane nekutora mutoriro nezvimwe zvinodhaka nekuti ramangwana renyika yedu riri mumawoko edu. Zvino tikapera kudhakwa, vatungamiri vemangwana nanababa nemadzimai vanobva kupiko?” anodaro.

Gweredza, uyo asati aroora, anoti ange ave kurarama upenyu hwachenzira achigara kumabhesi kwavanotorera zvinodhaka uye asisade kana kugeza muviri wake.

“Mutoriro imhandu yenyika mukurarama kwedu vechidiki nevamwewo vakuru vari kuutora. Unotadzisa munhu kudya, muviri woperezeka uyewo haurare.

“Izvozvi vabereki havachada kundiona nemhaka yekugara ndichivarwisa. Vabereki vazhinji vatambura nevana vanotora mutoriro, ini ndava kuda zvangu kudzokera kuchikoro ndigadzire upenyu hwangu,” anodaro Gweredza.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti chirongwa chekusunga vanotora zvinodhaka pamwe chete nevanozvitengesa chiri kufambira mberi.

Asst Comm Paul Nyathi

“Hatisi kudzokera kumashure nekusunga vanoputa mutoriro nevanoutengesa vacho. Tiri kuvaendesa kumatare edzimhosva vachinosangana nemitongo yavo ikoko,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links