Uncategorized

Amai nemwana muguva rimwe

14 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
Amai nemwana muguva rimwe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VAGARI vemubhuku raShirichena, kwaNyamweda, kuMhondoro, svondo rapera vakafumoona mashura apo guva remudzimai ainge avigwa aine pamuviri rakafuma rakafukunurwa.

Mudzimai uyu anonzi akafa nepamuviri pange pava nemwedzi minomwe achinzi akangotaura kuti atungwa pamoyo, ndokuzonofira kuchipatara chekuBeatrice.

Zviitiko zvepanhamo yemudzimai uyu zvakavirikana sezvo zvichinzi guva rake rakacherwa zvakare pakati pehusiku apo mutumbi wakazovigwa mambakwedza zvichinzi wakange wawora.

Murume wemudzimai uyu nehama dzake vanonziwo vakaviga chitunha ichi vari voga pasina hama dzemufi.

Nyaya yekufukunurwa kweguva iri inonzi haina kumhan’arwa kumapurisa asi mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti nyaya dzakadai dzinofanirwa kumhan’arwa poonekwa kuti chii chakaitika.

“Panogona kunge paine mhosva yakaparwa pakucherwa kweguva iri. Saka nyaya iyi inofanirwa kusvitswa kumapurisa nenguva igoferefetwa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Sabhuku Shirichena, VaWilson Shirichena (76) vanotsinhira kufukunurwa kweguva remudzimai uyu vachiti akange akaroorwa nemurume muporofita wechechi yeJohane Masowe yeNguwo Tsvuku.

“Takafuma tichiona guva remudzimai ainge afa nepamuviri rafukunurwa, paine zimwena rakadzika kusvika pasi zvekuti munhu mukuru waitokwana kupindamo. Hatina kuziva kuti vangava varoyi here kana kuti imhuka,” vanodaro Sabhuku Shirichena.

Vanoti murume wemudzimai uyu — uyo anozivikanwa saMadzibaba Smaiden kana kuti Norman Zimba (37) — aona kuti mudzimai wake akanga arwara, akamuendesa kukiriniki yeMarirangwe ndokuzodarikidzwa kuchipatara cheBeatrice uko akasvikoshaika aine pamuviri.

“Ndinonzwa kuti mudzimai uyu, Emelda Mupambo (29), anga aine vana 4 nepamuviri pechishanu. Anonzi aigara achitambudzika nekurohwa nezvivanda, afa kudaro murume wacho akataurirwa kuti aendese mufi kuchipatara cheMubayira kana kuti Chegutu kuti mwana aiva mudumbu anobviswa. Asi iye haana kuita saizvozvo.

“Akazongotakura mutumbi kuuya nawo kuno kumusha uko vakasvikouviga nenhumbu yacho zvose,” vanodaro.

Sabhuku Shirichena vanoti sezvo mhuri iyi yakataura kuti mutumbi uyu wakanga wave kuwora, vakachera guva husiku kubva kuma11 kusvika kuma5 mangwanani vachibva vauviga.

“Patsika dzechivanhu hazvibvumirwe kuti mutumbi uvigwe uine nepamuviri inova mhosva mudunhu redu rino, uye kana iko kumutemo wenyika hazvibvumirwe zvakare. Imwe nyaya, vakaviga mutumbi uyu pasina madzitezvara vanova vekuBuhera avo vakazouya hama yavo yavigwa,” vanodaro Sabhuku Shirichena.

Vanoti ivo saSabhuku, mutumbi uyu wakavigwa vasipo uye vasingazivewo kuti wakavigwa pamwechete nemwana aiva mudumbu.

“Mutemo unoti mutumbi uyu waifanirwa kuvhiiwa, mwana oburitswa ovigwa pake oga nekuti vaviri ava havana hukama. Ichi chipini chakaitwa, Mambo Nyamweda ndakavazivisa nezvenyaya iyi,” vanodaro Sabhuku Shirichena.

Susan Mupambo (26) anova munin’ina wemufi anotsinhira kufukunurwa kweguva remukoma wake.

“Ndakasvikawo ndichinzwa kuti guva rasisi rakafukunurwa kumusoro kwaro kusvika pasi ndokuzofushirwa nemurume wacho. Hatizive kuti mutumbi uchirimo here kana kuti wakatorwa, hamheno kuti varoyi here,” anodaro.

Anotsinhirawo nyaya yekuti mutumbi wemukoma wake wakavigwa pasina vanababa vavo.

“Hama kumusha kwaMurwira kwaNyashanu kuBuhera vakaziviswa ndokuzosvika mutumbi wavigwa,” anodaro Susan.

VaHerbert Zvataireva (48) avo vakataura vakamirira madzitezvara, vanoti semunhu anogara muHarare, vakazongonzwa kuti hama yavo yashaika ndokuenda kunhamo.

“Ndakasvikowana mainini Emelda vavigwa ndokutongesana nevakuwasha tikavati varipe mombe nhatu nembudzi sere apo vakakwanisa kubvisa mbudzi chete, mombe hadzisati dzauya,” vanodaro VaZvataireva.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naNorman Zimba nezvenyaya iyi.

Mambo Nyamweda VaClaudious Mandaza vanoti, “Mudzimai uyu afa, ndakaziviswa ndokunzi mutumbi wave kuwora, vakachera guva husiku ndokuviga rungwanangwana. Izvo zvekuti mukadzi uyu akavigwa nemwana mudumbu handina kuzviziva, saka tichaona kuti toibata sei nyaya iyi nekuti ine kutyorwa kwemitemo yechivanhu kunyangwe newenyika.”

Mukuru wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Enock Mayida vanoti pamutemo hazvibvumidzwe kuti mutumbi uvigwe uine mwana mudumbu sezvo achifanirwa kutanga wavhiiwa nemachiremba.

“Mutemo unoti mudzimai akafa aine pamuviri mwana ofirawo zvakare mudumbu, chitunha chinofanirwa kuvhiiwa mwana oburitswa. Mitumbi iyi inovigwa pakasiyana kana kuti mutumbi wemwana unopiswa,” vanodaro Dr Mayida.

Vanoyambira veruzhinji kuti nekuda kwechirwere cheCovid-19, vafi vose vanofanirwa kuongororwa nemachiremba kuti vafa nei.

Sekuru Friday Chisanyu vanotiwo imhosva huru pachivanhu mutumbi kuvigwa uine mwana mudumbu.

“Iyi ingozi chaiyo yakaitwa. Hazvifanirwe kudaro, mwana aifanirwa kuburitswa ovigwa pake amai pavo. Vanhu ava vane mitupo nemweya yakasiyana,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Share This:

Sponsored Links