Amai nevana vekugara mugadheni vabatsirwa

25 Sep, 2022 - 08:09 0 Views
Amai nevana vekugara mugadheni vabatsirwa Tarisai Maganzo nevana vake vana

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

AMAI vekwaMutare, vekubuda muKwayedza vachirarama upenyu hunosiririsa apo vaigara nevana vavo mubindu (garden) mushure mekudzingwa pamusha pavo nehama dzemurume dzichivapomera kuita chipfambi, vakazowaniswa pekugara pakanaka nemumwe mubatsiri ari kuUnited Kingdom (UK).

Kwayedza yakaburitsa nyaya yedambudziko raTarisai Maganzo wemubhuku raGwaku kwaMambo Chayambuka munaGunyana 2020 apo akanga achiti murume wake, uyo ari kuSouth Africa, aikukundikana kudzoka kuZimbabwe pamwe nekumuriritira zvichitevera kuvharwa kwakamboitwa miganhu yenyika nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Panguva iyi, denda iri rakanga richitsviriridza zvakanyanya richibata nekuuraya vanhu izvo zvakaita kuti Hurumende itore matanho aya senzira yekuderedza kutapurirana kwechirwere ichi.

“Murume wangu ndakazongonzwa kuti ava kutogara nemumwe mudzimai ikoko nekudaro haana kana kuzocheuka vana kuti avayamure nechikafu. Panguva iyi, ndakatanga kupomerwa nyaya dzechipfambi nehama dzemurume sezvo vaishamisika kuti sei ndairamba ndakagara pamusha apa apo murume wangu akanga arovera kunze kwenyika.

Imba itsva yaakavakirwa

“Ndakabva pamba paye ndichibva ndaenda kunogara nevana vangu vose vari vana vaiti ane makore matatu, wemakore mana, ane matanhatu neane 11 okuzvarwa mubindu. Ndakabatsirwa nevamwe kuvaka kaimba kematanda tichinama nedhaka sezvo taisava nesimende kuri kuti tiwane pekungoisa musoro tichimuka tichipemha zvekudya,” anodaro.

Maganzo anoti hama dzemurume wake dzakamudzinga pamusha pake dzichimupomera kuita chipfambi ndokumbotanga achirara nemhuri yake mudzimba dzevamwe vane tsiyo nyoro.
“Ndakazodimburirwa nzvimbo diki yekugara nasabhuku wedu mushure mekunzwa nezvedambudziko rangu rekushaya pekugara,” anodaro.

Mudzimai uyu akazvivakira imba iyi mubindu iri zvisinei nekuti pedyo nerwizi uye pane mikana yekurumwa nemapere kana zvimwe zvikara zvesango, asi nekuda kwenhamo akashingirira.
Nzvimbo yaaigara yaisava nechimbuzi nekudaro iye nevana vake vaitozvibatsira muzvigwenzi zviri kumahombekombe kwerwizi urwu izvo zvine njodzi kuutano hwavo nevamwe vemunharaunda.

Zvisinei, denga rakamunyemwerera apo dambudziko rake rakazozivikanwa nemumwe mudzimai ari mhiri kwemakungwa apo akaverenga nyaya yaco muKwayedza achibva amuvakira imba ine makamuri mana pamwe nekumutumira mari yekuendesa vana kuchikoro.

Imba yekubikira

“Ndinomutenda zvikuru mudzimai uyu nerubatsiro rwake, ndava nepekugara uye vana vava kuenda kuchikoro zvisinei nekuti ndichiri kuda rumwe rubatsiro nekuti mari yechikoro yakangotumirwa yaive yetemu imwe chete. Ndinochema kune vamwe vatsigiri kuti vandibatsire kana nemabhindauko ekuti ndiite ndiri pamba ndisaramba ndiri munhu wekupemha.

“Ndinoti Mwari aropafadze vakandibatsira, ndavawo munhu pane vamwe, kushoreka kuya kwapera,” anodaro.

Vangada kubatsira Maganzo vanomubata panhare dzinoti 0784299934.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey