
Kwayedza

Abel Ndooka
MUIMBI ane mukurumbira, Tendai Manatsa, anoti arwadziwa zvakanyanya zvichitevera kushaya kwaita amai vake, Stella Manatsa, nhasi.
Achinyora papeji rake reFacebook, Tendai anoti: “Amai vangu vashaya nhasi mangwanani. Takabva kurasikirwa nababa vedu mwedzi misere yadarika.
“Handina kuzvigadzirira izvi. Zvakadhakwa izvi.
“Zororai murugare momz. Ndinokudai nemwoyo wese.”
Baba vake, Zex, vakashaya mwedzi misere yadarika.

Tendai Manatsa
Stella ange ave nemakore 68 ekuberekwa uye asiya vana vatanhatu nevazukuru 14.
Stella naZex vakachata mugore ra1979, muchato uyo wakanetsa zvikuru apo vanhu vakazadza nhandare yeRufaro Stadium muHarare izvo zvainge zvisati zvamboonekwa.