Uncategorized

Amai vakawana mwana achinanzviwa neshato

07 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Amai vakawana mwana  achinanzviwa neshato Brenda Makaza

Kwayedza

Kingstone Mapupu
AMAI vemwana ane gore nemwedzi misere yekuberekwa vekwaMusana, kuBindura, vakapotsa vafenda apo vakasvika paive nekamwanasikana aka ndokuwana kachinanzviwa muviri wako wose nemusvesvenenga wezishato – iye akatopfavirira.
Nyaya inoshamisa iyi yakaitika kumwana wekwaKnight, avo vagere mubhuku raChiroodza, kwaSadunhu Chikosha.
Mwana uyu anonzi aitamba nemumwe wezera rake apo mukweshwa weshato wakazongoerekana woonekwa uchimunanzvwa muviri wake wose.

Mwana uyu, Brenda Makaza, anonzi akabva pavheranda remba paikorobhwa naamai vake ndokuenda pedyo nemiti yemibanana iri chipo chemamita 20 kubva paiva naamai vake, apo akazowanikwa achinanzvwa nezinyoka.

Mai Magarate Mugarisanwa

Amai vemwana uyu, Magarate Mugarisanwa (34), vanoti havana kumbobvira vakaona mashura seavakasangana nawo.
“Ndakabva pandaikorobha apo ndakangotarisa kumabanana, ndokuona zinyoka rakaburitsa rurimi rwakareba. Zinyoka iri rainanzva mwana wangu muviri wose – musoro, kumeso zvekuti muviri wake wakanga wazara mate, kuita zerere. Mwana kuita seadirwa derere – akanga ava kurera.

“Mwana uyu aisambovhunduka kana kuedza kutiza, uye mumwe wake aivapo akangogara pasina kutiza. Ainge asina kusungwa nenyoka iyi sezvatinonzwa kuti inomonerera munhu kana ichida kumumedza,” vanodaro.
Nyaya iyi vanoti yakaitika kuri kumangwanani nguva pfupi yadarika.

Mai Mugarisanwa vanoti panguva iyi, pamusha apa paiva naivo naambuya vavo, Mbuya Rachel Knight (70).
“Ndaona mashura aya, ndakamhanya ndichichema ndichienda kwainanzvwa mwana wangu nenyoka – iyo yakangoshama yakanditarisa. Yakangovaima kupeny’a, pakarepo ichibva yangotsakatika.

Mbuya Knight vachiratidza panonzi ndipo pakawanikwa mwana achinanzviwa nenyoka uye nepamibanana panonzi pakazotizira shato. – Mifananidzo naTariro Kamangira

“Handina kuona payakapinda nekuti pazvakaitika, mumaziso mangu ndakabva ndatadza kunyatsoona,” vanodaro.
Amai ava vanoti pavakachema, ambuya vavo vakauyawo, avo vaiva vakagara pavheranda, asi hapana chavakaona sezvo nyoka iyi yakange yanyangarika.

Mudzimai uyu anoti akasvikoedza kusimudza mwana wake, uyo waanoti aitadza kumutakura nekutsvedza kwaaiita sezvo mbatya dzake naiye zvakanga zvazara marute.

“Ndakamutora achiyerera mate kudaro, mumusoro make muchiita sekunge akanga aiswa sipo inotsvedza nekupupuma.
“Vanhu vemumusha vakazoungana nekuda kwemashura aya apo mwana akanga atsvuka maziso achibuda misodzi sekunge akuvadzwa nemate enyoka iyi. Handizive kuti yaida kumumedza here kana kuti yaitamba naye, hamheno!”

Mwana uyu anonzi akazogezeswa nemamwe madzimai maviri emumusha uyu uye mate enyoka iyi anonzi ainhuhwa.
“Kubva ipapo, mwana uyu ava kugara muviri wake wakarukutika uye maziso ake akatombotadza kuona, akatsvuka seropa.
“Mwana agezeswa kudaro, takazoenda naye pakiriniki yeRutope uko takasvikonzi tidarikire naye kuHarare ndikaenda naye kuchipatara cheHarare Central Hospital vakasvikomubaya majekiseni nekumupa mishonga. Vakamuvhenekawo maziso ake ndokunzi ainge aiswa hunye,” vanodaro Mai Mugarisanwa.

Shato

Vanotizve mwana uyu ava nedambudziko remanyoka sezvo achimbochaya zvakanyanya.
“Nanhasi mwana ari kugara achirwara zvekuti tinotsvaga rubatsiro kunyangwe kuchivanhu kana kumaporofita sezvo tichiudzwa nevemweya kuti nyoka iyi ndeyevaroyi.
“Zvinonzi nyoka iyi yaida kumumedza, yonomusvipa yasvika kumba kwavatenzi vayo, vosandura mwana kumuita chidhoma chinoshandiswa mukuroya,” vanodaro.

Mumwewo mwana aitamba naBrenda panguva yaainanzviwa nezinyoka, anonzi haana dambudziko.
Pakatsakatika shato iyi, vanhu vaivepo vanonzi vakazopisa miti yemibanana pavaifungira kuti yainge yapinda, asi vakaishaya.
Mbuya Knight vanoti nanhasi zviri kuvanetsa kuti nyoka iyi yaidei pamuzukuru wavo.
“Baba vemwana uyu, Kudakwashe Makaza, muzukuru wangu uye vari kuSouth Africa saka ndinogara nemudzimai wake nevana. Mwana wangu Fennie Knight, anova amai vababa vacho, vakaendawo kumhiri kuUK uko vanoshandira. Vakaziviswa nezvemashura aya,” vanodaro ambuya ava.

Vanoti pavakanzwa muroorazukuru wavo achichema, vakaenda vachida kunoona asi ndokusvikoshaya nyoka iyi – kunze kwekungoona muhwezvwa bedzi.
“Ndakasvikoona muviri wemwana uyu wose wakanyorova nemate, musoro wake richingova zerere. Muviri wake nembatya zvaitsvedza. Aya mabasa ehuroyi bedzi.
“Ava kugara achirwara-rwara, maziso ake achimurwadza nekubuda maranga. Dai pawana vanotibatsirawo,” vanodaro Mbuya Knight.

Mbuya Christine Mumvuri (70), vanova muvakidzani wekwaKnight, vanoti nyaya iyi inoshamisa zvikuru, ndokuti shato yemusango haidaro.
Mai Plaxedes Gadaga (32), vanovazve mbuya kuna Brenda, vanoti muzukuru wavo anofanirwa kubatsirwa nemaporofita kana n’anga.

Plaxedes Gadaga

Sadunhu Chikosha, VaElisha Chidziva (65), vanoti nyaya iyi yakasvitswa kwavari mushure mekunge vainzwa semakuhwa.
“Inyaya inoshamisa zvikuru yakaitika mudunhu rangu. Asi ndinoti vanhu kukange kwaitika zvinhu zvinoshamisa kudai, ngavataure nenguva tibatsirane. Mwana uyu anoda kubatsirwa nekuti uhwu huroyi. Nekuti dai yaida kumumedza, ko yakazoenda kupi?” vanodaro sadunhu.

Mashoko avo anotsigirwa nemudzimai wavo, Mai Julia Chikosha Mangezvo (58), vachiti vabereki – kunyanya madzimai – ngavagare vakachengetedza vana vavo nguva dzose nekuona kuti vanotambira kupi.
“Nyaya iyi takainzwa nemakuhwa apo takazotumira mupurisa kunoshevedza vemhuri iyi. Tinoti vanhu ngavasavanza zvinhu zvakaipa,” vanodaro.

Sekuru Ndunge

Votaura pamusoro pemashura aya, VaCharles Makwiyana (88) – avo vanozivikanwa nekuti Sekuru Ndunge vekuChipinge – vanoti haizi nyoka yakananzva mwana uyu, asi kuti chinogona kunge chiri chidhoma.
“Mwana wekunanzvwa nenyoka nemumwe waaiva naye vanoda kubatsirwa vose kuti vabviswe hunye hwavakasiirwa nechikara ichi,” vanodaro Sekuru Ndunge.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey