Amai vanokosha, vaitirei madanha

17 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

NEMUSI weSvondo wadarika, Zimbabwe nedzimwe nyika pasi rose dzakapemberera zuva rekukosha kwanaamai reMothers Day.

Chiri chokwadiwo, amai vanokosha!

Zuva iri riripo kupa mukana kuvana kuti vange vachiyeuka mabasa makuru anoitwa naamai kuti ivo sevana vavepo panyika.

Vanaamai vakakosha zvikuru sezvo ndivo vanotakura mimba dzinozozvarwa vana. Wose zvake anonzi mwana akabva mudumbu raamai. Hakuna akadonha kudenga kana kungomera sehohwa.

Hazvisi nyore kuti amai vatakure mimba kwemwedzi mipfumbamwe, kana kutodarika, kusvikira vazosununguka mwana.

Panguva iyo amai vanenge vakatakura mimba, vanosangana nezvigozhero zvinosanganisira kurwara. Apa vachishanda mamwe mabasa.

Kune vamwe vanorasikirwa neupenyu apo vanenge vakatakura mimba kana kuti vachisununguka. Mushure mekusununguka mwana, amai vanotanga zvakare basa guru rekumurera apo vamwe vanorara vakasvinura mwana achingoda rudo rwavo. Ivo baba vachidzipfodora hope.

Hazvisi nyore kurera mwana kubvira achiri kasvava kusvika ayaruka.

Amai vakakosha zvikuru muupenyu hwemunhu wose zvake. Wose anonzi munhu akatobva nemudumbu raamai. Anotova newaanoti amai, kana kuti “mhamha”. Kuti uzova chiremba, ticha, engineer, hwindi kana muzvinhabhizimisi, zvose zvakabva parudo rwaamai.

Zvinotoshamisa kuona kuti kuine vamwe vana vanoshungurudza vanaamai vavo apo vanenge vayaruka.

Vamwe ndivo vanovarova kana kuvananga huroyi.

Amai vanozova muroyi nhai uno sei ivo vakatakura mimba yako kwemwedzi mipfumbamwe kusvikira iwewe wasunungukwa?

Kana vaive muroyi sei vasina kukuuraya uchiri kasvava? Kana kubvisa ichiri mimba. Regai vakuru vazoti ngozi yaamai inobhebha kudarika yababa nekuda kwebasa guru ravanoita mukuyarutsa nekuriritira mhuri.

Kunze kwekushungurudza vanaamai, kune vamwe vana vasina kana shungu dzekuvariritira. Amai vanongosiiwa vachidya nhoko dzezvironda asi iye mwana achiwana.

Chisingazivikanwe nevamwe vanhu ndechekuti kana vabereki – zvikuru amai – vakagara vachigunun’una zvinoita kuti vasangane neminyama kana rushambwa muupenyu hwavo.

Kune vamwe vana vasingacheuke kumashure kwavakabva kuburikidza nekuriritira vabereki vavo. Vamwe vanaamai vari kudya nhoko dzezvironda asi ivo vaine vana vane mabasa epamusoro-soro. Vamwe pavanotaura nyaya dzevabereki vavo iwewe unenge uchiti kudii? Haunyarewo here?

Kune vanaamai vari kufamba vakapfeka mamvemve asi vaine vana shoroma. Hazvibatsire kuzoda kutengera amai vako bhokisi rinodhura zvikuru pavanofa asi iwe wakange usingavariritire vachiri vapenyu.

Munguva ino yechando, vanaamai vanoda shangu, majuzi pamwe nemagumbeze.

Kana zvekudya vanozvidawo uye zvavanotarisira kubva kuvana vavo hazvimbodhura. Mwana chaiye akabva kuvanhu haapfodore hope achiziva kuti vabereki vake vari kutambura mukurarama kwavo asi kuti anotsvaga nzira dzekuti avabatsire nadzo.

Kune vamwe nhasi uno vakashaikirwa nanaamai vavo vari kukungura kuti kudai varipo vangadai vaivapa rudo kana kuvaitira mamwe madanha.

Wana mukana wekumboterera kambo kemushakabvu Oliver “Tuku” Mtukudzi kanonzi Madanha. Asi iwe amai vako vachiri kurarama zvisinei nekuti hauna kana hanya navo.

Inga vakuru vanoti ziva kwawakabva mudzimu weshiri uri mudendere.

Kune avo vari kuitira vaamai vavo zvakanaka ngavarambe vane mwoyo yakanaka kudaro. Nemakomborero anowandawo.

Share This:

Sponsored Links