Amai vanoshinha nemwanakomana . . . zvino baba vave kuzviziva

10 Sep, 2022 - 08:09 0 Views
Amai vanoshinha nemwanakomana    . . . zvino baba vave kuzviziva Sifelani Moyo

Kwayedza

Danisa Masuku

MUMWE mudzimai anonzi ari kureurura kuti akashinha nemwana wake mukomana mushure mekunge murume wake aona chipfeko chake chemukati chiri muimba yekurara yemwanakomana wavo.

Sifelani Moyo ange ave nemakore 18 aroorana naMedia Hoboya uye vachigara vose paRedbank Plot iri kunze kweguta reBulawayo.

Zvose zvakanga zvakanaka, asi upenyu hwavo hwewanano hwakasanduka zvikuru mushure mekunge Moyo aona chipfeko chemukati chemudzimai wake chiri muimba yekurara yemwanakomana wavo.
Moyo akanyumwa, ndokubvunza mudzimai wake uyo akabvuma kuti akashinha nedangwe ravo rine makore 30 okuberekwa.

“Mushure mekunge ndaona chipfeko chake chemukati, ndakanetseka nekunyumwa kuti mudzimai wangu aive ashinha nemwana wangu ndikamubvunza nezvenyaya iyi,” anodaro Moyo.

Anoenderera mberi achiti, “Ndakatora chipfeko chake chemukati ndokumubvunzurudza kuti sei chaive mubhedhurumu remwana wangu. Pakutanga, akaramba asi mukati memaminitsi mashoma ekubvunzurudzwa, akareurura kuti akashinha nemwanakomana wedu uye zvikandirwadza mwoyo.”
Moyo anoti mudzimai wake akareurura kuti akashinha katatu nemwanakomana wake.

“Ndakarwadziwa zvakanyanya uye mwoyo wangu wakatsemuka nekuti ndaisatarisira kuti anogona kuita chipini chakadaro chekupinda mumagumbeze nemwana wedu. Ndakamurova uye mushure mezvo achibva aenda kumba kwababa vake kuCowdray Park. Kubva ipapo haana kuzodzoka,” anodaro.

Moyo anoti mushure mechiitiko ichi, mwanakomana wake akabva atizawo pamba sezvo aitsvagwa nemapurisa nemhosva yaakapara.

Anoti zvisinei nezvakaitwa nemudzimai wake nemwanakomana uyu, akavaregerera vose.
“Mukadzi wangu achiri kutora nzvimbo yakakosha mumwoyo mangu, ndichiri kumuda kunyangwe zvaakaita uye ndakagadzirira kumuregerera togadzirisana.

“Kunyangwe mwana wangu ndichiri kumuda uyewo ndakagadzirira kumuregerera,” anodaro.
Pakaridzirwa Hoboya nhare, mumwe munhu akadaira akaramba kuzvizivisa achibva ati: “Munhu wauri kutaura naye akarova Hoboya ndokumupisa nemarasha. Uye iye (Moyo) aigara achimushungurudza achimutuka kwenguva yakareba zvikaita kuti abve pamba pavo.

“Hatidi kuonana naye kana kutaura naye. Chirega hako kutifonera nekuti tinogona kuita zvakaipa.”

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>