Amai varasika njere vachangobva kubara

04 Mar, 2023 - 14:03 0 Views
Amai varasika njere vachangobva kubara VaMartin Mufanebadza vakabata mwana wavo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MWANA kasvava wekusiiwa naamai vake mushure memazuva mana abarwa apo vakangotetereka nenyika zvichitevera kurasika kwenjere, achiri kuda rubatsiro uye pari zvino akachengetwa nemumwe mudzimai anogara kuNorton.

Mudzimai uyu, uyo asina kusununguka kudurwa nezita rake, mutungamiriri weimwe kereke iri muNorton uye anochengeta vana vanosvika 23 pamba pake.

Nemusi weMugovera wadarika, Kwayedza – ichibata pamwe nesangano reFarm Community Education Trust (FACET) – vakashanyira mwana uyu, uyo ave nemwedzi miviri nemazuva yekuzvarwa ndokuwana achichengetwa zvakanaka.

“Mwana uyu ndakamupihwa aine masvondo maviri ekubarwa neveSocial Welfare ndikafara uye anonzi Emmanuel rinova zita rinofambirana nemusha uno watinochengetera vana. Pano tine vana 23, vamwe vakatouya vaine mazuva mashanu ekubarwa asi vatokura zvekuenda kuchikoro.

“Zvose zvandinoita pano inyaya yerudo rwangu semutendi waMwari. Musha uno wakanyoreswa zviri pamutemo kuti ndinge ndichichengeta vana. Rubatsiro rwunodiwa zvakanyanya kana takatarisa huwandu hwevana nezvavanoda sechikafu, mbatya, kurapiswa, dzidzo nezvimwe,” vanodaro.

Respect Tsvanhu, uyo anova murongi kuFACET, anoti akasundwa netsiye nyoro kuti abatsire mwana uyu mushure mekuverenga nezvake mubepanhau reKwayedza.

“Sesangano reFACET, tinoita mamwe emabhindauko edu ekubatsira vana vekumatunhu maringe nedzidzo yavo zvinova zvakaita kuti nditarise nyaya yemwana uyu ndichibva ndafunga kubatsira nepashoma pandinapo. Ndinorwadziwa zvikuru naamai vemwana uyu, kuti vakangotanga kurwara nepfungwa mushure memazuva mana ekumubara nokudaro ari kurasikirwa nerudo rwaamai, mukaka nezvimwe.

Respect Tsvanhu (kuruboshwe) nerubatsiro rwaakapa kumwana rwembatya nemukaka

“Ukuwo, baba vake vakadimbuka ruoko mutsaona kubasa kwavaishanda kuChitungwiza saka haasisina muriritiri,” anodaro.

Tsvanhu akabatsira mwana uyu nembatya dzakawanda uye mukaka, asi achiri kuda rumwe rubatsiro nekuda kwezera rake.

Kwayedza yakashanyira pamba pasahwira waamai vemwana uyu vanova vakasarudza kuvachengeta panguva iyo vari kurapwa pachipatara cheNorton.

“Mudzimai wangu ndiyeyu, pfungwa dzake hadzisati dzagadzikana zvekuti pamwe pacho anotaura oga, kurova musoro wake kana kungoyerekana abuda mumba kunyangwe husiku. Saka tiri panguva yakaoma.

“Haasi kana kuziva kuti akabara mwana uye mazamu ake akatooma zvekare paakatiza mushure memazuva mana ekubara, akatoonekwa nevanhu achingofamba nemugwagwa vachibva vamusunga ndokuenda naye kumapurisa nekuti vainge vaona mifananidzo yake yatainge tashambadza tichiti taimutsvaka.

“Kumusha takangosiya takiya misuwo, tiri kuedza kuti kudai abatsirwa apora tikwanise kutora mwana. Ini handinawo basa randiri kuita sezvamuri kuona kuti ndakadimbuka ruoko mutsaona uye handina kuripwa zvisinei nekuti zvose zvakaitika ndiri pabasa mugore ra2016,” vanodaro VaMartin Mufanebadza (42)

Vanotenda rutsigiro rwakawaniswa mwana wavo nesangano reFACET.

Vangada kubatsira mwana uyu uye kurapiswa kwaamai vake vanobata VaMufanebadza panhare dzinoti: +263 775 621 988.

Ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezveutano inoti pane mikana yakawanda yekurasika kwenjere kumadzimai panguva yekusununguka kana kuti mushure mekubara (peripartum depression/postpartum depression).

Munhu anenge aine dambudziko iri anogona kana kuona zvinhu zvisipo, kuneta, kushaya mufaro, kusada kutaura nevamwe, kukurumidza kutsamwa nekuchema – pakati pezvimwe.

Nyanzvi dzezveutano dzinokurudzira kuti vanhu vakurumidze kuona machiremba munhu obatsirwe pane kupedza nguva vachienda kumaporofita nekun’anga sezvo iri riri dambudziko rinorapika richipera kana richinge rakasikirwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey