Amai vavhiya mwana (2) wavo nebanga

13 Sep, 2023 - 13:09 0 Views
Amai vavhiya mwana (2) wavo nebanga Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekuZvishavane anonzi akacheka mwanakomana wake ane makore maviri okuberekwa padumbu nebanga akazopona neburi retsono nekuda kwechikonzero chisati chazivikanwa.

Inspector Emmanuel Mahoko, avo vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, vanoti mwana akachekwa nebanga uyu ari kurwara zvakanyanyisa muchipatara uye amai vake vakatosungwa nenyaya yavari kupomerwa yekuedza kuponda.

“Mildness Mukoshomi (38) wekuHighlands, kuZvishavane, ari muhusungwa nekuda kwenyaya yekuedza kuuraya mwanakomana wake wemakore maviri nekumubaya nebanga. Nyaya iyi yakaitika nemusi wa5 Gunyana apo mudzimai uyu anonzi akadzoka kubasa ndokutora mwanakomana wake kubva muimba yekubikira, achienda naye muimba yekurara uko akanomubaya padumbu nebanga remukicheni,” vanodaro Insp Mahoko.

VaJeremiah Mutunhira, avo vanogara pamba paMukoshomi, vanonzi vakazonzwa kuchema kwemwana uyu kwakanyanya ndokumhanya kunotarisa muimba yekurara yemudzimai uyu ndokuwana akazvikiira gonhi nemukati.

“Murume uyu akazovhura dhoo iri nechisimba akawana mwana uyu akarara mudivi reropa, amai vacho vakamira padivi pake. Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa Mukoshomi achibva asungwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Zvichakadai, mwanakomana uyu ari kurapwa muchipatara cheGweru Provincial Hospital uko ari kurwara zvakanyanya.

“Tinokurudzira veruzhinji kuti vataurire mapurisa anodyidzana neruzhinji pane zvinovashungurudza vowana nguva yekubatsirwa vasati vapara mhosva kana kuzivisa vamwe – vangava mafundisi kana vakuru kumatunhu kwavanogara – matambudziko avo,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links