Uncategorized

Amai voita bonde nevana vavo 3 . . . . vakandwa mujeri kwemakore 20

16 Apr, 2021 - 12:04 0 Views
Amai voita bonde nevana vavo 3 . . . . vakandwa mujeri kwemakore 20

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUNYAYA inoshamisa zvikuru, mudzimai wekuBeatrice ane makore 58 ekuberekwa akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 20 nemhosva yekuita bonde nevanakomana vake vatatu vanoti wemakore matanhatu ekuberekwa nepatya ane makore masere.

Mudzimai uyu, uyo watisingadure zita rake kuitira kuchengetedza vana ava, akatongwa nemhosva yekumbunyikidza vana nenzira yepabonde pasi pechikamu chemutemo weAggravated Indecent Assault sekutsanangurwa kwawo muSection 66 (1) (b) (i) of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates Courts, VaNoel Mupeyiwa, vakazomubvisira makore mana pachirango ichi paine chitsidzo chekuti haafanire kupara imwezve mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu.

Muchuchisi Trinity Nyandebvu anoudza dare kuti mhosva iyi yakaparwa kubva mumwedzi waKubvumbi 2020 kusvika Nyamavhuvhu 2020 panguva iyo mudzimai uyu aigara nevana ava achirara navo mukamuri imwechete yemba.
Pamhosva yekutanga, akambunyikidza mwanakomana wake ane makore matanhatu ekuberekwa.
Amai ava vairara pamubhedha apo vana vachirara pasi.

Rimwe zuva, amai ava vakamuka ndokuudza vana vavo kuti vaida kuvafundisa nyaya dzepabonde vachibva vashinha nemumwe, vamwe vana vachiona.

Mushure meizvi, vakamuyambira kuti asaudze vanhu nekuti vaizovanyima chikafu kana kuvatiza achivasiya voga pamba apa.

Munyaya yepiri, amai ava vakaita zvimwechetezvo kumwanakomana wavo ane makore masere vakamuudza kuti asaudze vanhu nekuti vaizomunyima chikafu kana kuvatiza, saka nekutya mwana akabvuma kuita zvavaida.

Munyaya yetatu, amai ava vakaita zvekare zvimwechetezvo nemumwe wemapatya avo vachibva vamutyisidzira nenzira imwecheteyo iye akabvuma kuita zvavaida.

Zvisinei, gure iri rakazobuda pachena apo amai ava vakazosiya vana ava vari voga vachibva vazotorwa naambuya vavo vanogara kuChitungwiza.

Vari kuChitungwiza uku, mumwe wemapatya aya akambunyikidza mumwe muvakidzani nenzira imwechete iyi zvikaita kuti ambuya vake vamubvunzurudze achibva adura kuti vakafundiswa zvepabonde naamai vavo.

Ndipo ambuya ava vakabva vanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti amai ava vasungwe.

Share This:

Sponsored Links