Uncategorized

AMAI VOKINDITSWA NEMWANA GOTWE

03 Jun, 2021 - 13:06 0 Views
AMAI VOKINDITSWA NEMWANA GOTWE

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHEMBERE inova shirikadzi yemumusha weGlen Norah A, muguta reHarare, inoti yaoneswa nhamo nekugara ichirikitwa kurohwa nemwanakomana wayo anova gotwe zvekuti pari zvino iri kufunga kuzviuraya nekuda kwekushungurudzwa uku.

Munyaya inoratidza kurasika kwetsika dzechivanhu, Mbuya Shupi Kamuzungu (67) vepanhamba 1489 Nharira Crescent, kuGlen Norah A, vanoti kubva pakashaika murume wavo mugore ra2013, upenyu hwavo hauna kuzomboita zvakanaka nekushungurugwa kwavari kuitwa nemwana wavo gotwe Samuel Kamuzungu (30).

“Mwana wangu uyu anotora zvinodhaka zvakauya mazuva ano izvi zvinonzi vanamutoriro neiwo musombodhiya nezvimwe izvo zvinonzi hazvibvumidzwe nemutemo wenyika. Ndakamboedza kuenda kumapurisa mwana uyu akaendeswa kumatare edzimhosva asi zvinoshaya basa. Anongodzoswa pano pamba.

“Ini handichamuda mwana uyu, inotova mhandu chaiyo. Anoti anoda kundiuraya asare nemba yababa vake sezvo achiti imba iyoyi yandakavaka nemurume wangu ndeyakewo. Anonditi ndiri muroyi,” vanodaro Mbuya Kamuzungu.

Vanoenderera mberi: “Murume wangu akabva kuMalawi, saka havana hama muno muZimbabwe. Kwekuenda kuti ndinotaura nyaya iyi kuhama dzemwana uyu handina.

“Akandirova katatu nezvibhakera, kekutanga akandipindira mumba mandinorara akasvikotanga kundirova kusvikira ndapunzikira pasi ndokundigara matunduru achinditsondokota kusvikira vamwewo vanhu vauya kuzondinunura. Pamwe pacho, akandirova panze pemba nezvibhakera, ini handina simba rekumudzosera saka ndinoti kufa kuri nani”

Mbuya Kamuzungu vanoti vakabereka vana vasere — vakomana nevasikana uye vose vapenyu — nemurume wavo uye vane vazukuru 29.

“Chinondinetsa mukati mevana vangu mune vamwewo, kusanganisira iyeyu gotwe, vanonditi ndiri muroyi. Handizive kuti anotumwa here, kana kuti zvinobva here kumaporofita nekudzin’anga kwavanoenda. Apedza kuba midziyo yose pano pamba achitengesa achinotenga mutoriro,” vanodaro Mbuya Kamuzungu.

MAI PRISCILLA GAVI

Vanoti mwanakomana wavo uyu vapinda naye kumatare edzimhosva kanokwana kana nenyaya dzekuvarova nekuba zvinhu pamusha nekuparadza midziyo achipwanya adhakwa.

“Anopinda mumba mangu nepahwindo achiba zvinhu zvinosanganisira magumbeze achinotengesa kuti awane mari yekutenga zvinodhaka. Kundirova kwaanoita hapana vamwe vana vanopindira nekuti vanomutya.

“Izvozvi ndakagumisira kuenda naye kudare redzimhosva nemusi wa5 Chivabvu uno mushure mekunge andibira TV iyo yakazowanikwa yakavigwa muchibage atadza kuitengesa yashaya anoida. Akambonovharirwa asi izvozvi akadzoka pamba ndinaye,” vanodaro.

Mbuya Kamuzungu vanoti kana vanyanya kurohwa vanotizira kuvanasikana vavo vanogara kuGlen View nekuMarimba Park.

“Ndashaya kuti ndobatsirwa nani nekuti mwana uyu anoramba achidzoka pano pamusha. Akaisa roja mune imwe imba yekubikira mari yacho anotora ndiye achitenga zvinodhaka.

“Anorara mune imwe room iri mukati munova mune bhedhuru rangu uye haandibvumidze kukiya dhoo nemukati kana asimo. Ndave kutyira kuti achangondiponda ndirere.
“Akarambwa nemukadzi nenyaya yekugara akadhakwa akasiirwa mwana mumwe chete. Basa rake nderekudhakwa chete.”

Pakashanyirwa pamba pambuya ava mwanakomana wavo akawanikwa asipo achinzi ainge afumobuda mumba kuenda kwavanoputira zvinodhaka munzvimbo iyi.

“Izvozvi ndiri kurwara, miviri yose inorwadza nekugara ndichirohwa nemwana uyu. Ndave kudawo kuzorora, handizive kuti zororo ndichariwana riinhi.

“Nguva yakadarika akambotenga peturu akaunganidza mapepa achiti aida kundipisira mumba ndikatiza pano. Vavakidzani vanoziva nyaya iyi, vanotomutyawo,” vanodaro Mbuya Kamuzungu.
Kune vanoda kubatsira Mbuya Kamuzungu nekuda kwedambudziko ravo rekugara vachirohwa iri vanovaridzira nhare dzinoti 0772 337 474.

Kwayedza yakaedza kutaura nevavakidzani vaambuya ava avo vose vakaramba kutaura nezvenyaya iyi vachiti vanotya mwanakomana wavo sezvo achinzi ibhinya.

Mutauriri wemapurisa muguta reHarare, Inspector Simon Chazovachii, vanotsinhira kuti nyaya yekushungurudzwa kwaMbuya Kamuzungu nemwanakomana wavo inogara ichisvika kumapurisa uye vachiendesana kumatare edzimhosva.

“Kunetsana kwaambuya ava nemwakanakomana wavo kunogara kuchisvitswa kumapurisa edu vachiendesana kumatare edzimhosva. Isu semapurisa tinoita basa redu, nyaya idzi dzonoyananiswa kumatare,” vanodaro Insp Chazovachii.

INSP CHAZOVACHII

Mai Priscilla Gavi, avo vanova executive director wesangano rinomirira vakwegura reHelpAge Zimbabwe (HAZ), vanoti nyaya iyi inofanirwa kugadziriswa nekukasika.

“Tiri kuronga kushanyira ambuya ava tione kuti nyaya yavo yagadziriswa nenguva,” vanodaro Mai Gavi.
Kuchiti Mai Precious Somerai Taru avo vanova mukuru wesangano reMusasa Project iro rinomirira kodzero dzemadzimai, vanovimbisawo kubatsira Mbuya Kamuzungu.

PRECIOUS SOMERAI TARU

“Inyaya inosuwisa zvikuru kuti amai ava vari kushungurudzwa nemwana wavo wekubereka anofanirwa kunge achivachengetedza pamba pavo yavakavaka nemurume wavo. Sesangano, tichashanyira mbuya ava nekukasika,” vanodaro Mai Taru.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey