Ambuya ‘ginya’ kumukuwasha

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa
MUKUWASHA wekuoneswa moto naambuya vake, avo vaanoti vanomutukirira pamwe nekurima kumunda kwake zveginya, akazopotera kudare redzimhosva achiti zvanyanya.

Robert Matodza akamhan’arira ambuya vake, Lucia Mahachi, kuHarare Civil Court achiti haana rugare nekuda kwehunhu hwavo. Anoti vanomutuka uye vanotora michero yekumunda kwake vasina kumukumbira.

“Mambo wangu, ava vaimbova ambuya vangu asi izvozvi vandishaisa rugare. Tinogara munzvimbo imwe chete asi vanogara vachindituka tikangosangana.

“Vanotora michero mumunda mangu vachiti yakadyarwa nevarungu uye vanorima mumunda mangu ini ndisina kuvapa mvumo. Ndinoda kuti vasiyane nehunhu hwavo uhwu nekuti vari kutadzisa kuti pakati pedu pave nerunyararo,” anodaro Matodza.

Mahachi anopikisana nechikumbiro chaMatodza achiti: “Hongu, uyu mukuwasha wangu asi zvaari kutaura manyepo. Ini handimushungurudze, pandakagara ini ndakagara zviri pamutemo.

“Ehe, michero ndinotora nekuti haisi yake, yakadyarwa nemurungu aigara papurazi apa saka haandirambidze kuitemha. Zvakare, mumunda make ndimo mandinochera mvura saka anoda kuti ndichere kupi mvura?”

Matodza anobva amugamha achiti mumunda make hapana panocherwa mvura.

“Mumunda mangu hamuna kana pekuchera mvura, ngavasade kunyepa,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Matodza gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey