Uncategorized

‘Ambuya muri pfambi’

19 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Tatenda Shuro
VAMWE ambuya vakaendesa vazukuru vavo — vana nehanzvadzi yemurume wavo — kudare vachivampomera kuti vari kuvaonesa pfumvu nekugara vachivatuka kuti ipfambi yemakoko.

Prisca Chirumutsa akamhan’arira vazukuru vake, Chariot Before naJanet Before, kuHarare Civil Court achiti vari kumushaisa rugare.

Chirumutsa anoudza mutongi wedare iri, Nyasha Marufu kuti: “Mambo wangu, ava vazukuru vangu zvino vandishaisa rugare zvekuti ndangova munhu anogara asina mufaro uye ndava kungogara ndichitya sezvo vachindityisidzira.

“Vanondituka uye vanosvika pakuburitsa zvinhu zvangu panze vachinditi pfambi yemakoko nokuti murume wangu ane mumwe mudzimai waanogara naye uyo akamuzvarira mwana mukomana ini ndisina.”

Chariot anoti haana dambudziko nechikumbiro chaambuya vake.

“Handipokane nechikumbiro chavo uye kuvatuka hangu handisati, asi ivo ndivo vane dambudziko nagogo, amai vemurume wavo. Ndini ndinoita zvose kubika, kuwacha asi ivo varipo,” anodaro.

Janet anotiwo haana dambudziko nechikumbiro chaambuya vake kudare.

Mutongi Marufu akapa Chirumutsa gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links