Ambuya vadzvanya mukuwasha panyama nhete

04 Apr, 2022 - 12:04 0 Views
Ambuya vadzvanya mukuwasha panyama nhete Dare

Kwayedza

Danisa Masuku

MUDZIMAI wekuBulawayo anonzi akaviruka nehasha ndokuwatsura mukuwasha wake nembana pamwe nekumubata sikarudzi mushure mekunge amutuka kuti iye nemwanasikana wake ipfambi dzemakoko.

Izvi zvakabuda mudare reWestern Commonage Civil Court kuBulawayo apo Tholakele Msimanga (59) aikumbira gwaro redziviro kubva kumukuwasha wake, Dumezweni Nyoni, uyo waanoti ari kumushungurudza zvakanyanya pamwe chete nemwanasikana wake.

Msimanga anoti mwanasikana wake akaroorwa naNyoni asi vari kunetsana muwanano yavo kubvira apo mukuwasha uyu akatanga kushungurudza mudzimai wake kuburikidza nekumurova uye kumutuka.

Anoti Nyoni anouya kumba kwake pakati pehusiku achibva kubhawa otanga kumutukirira achiti anoda kuona mudzimai wake.
Asi mwanasikana wake anoramba kuvhurira Nyoni gonhi zvinoita kuti abve arirova zvine simba.

Msimanga anoti paanoedza kuudza Nyoni kuti ari kumuitira ruzha pamwe nevavakidzani, haazviterere uye anobva atowedzera kurova gonhi iri.

Nekuda kwekurwisana kunenge kuchiita Nyoni nemudzimai wake, Msimanga anoti anoedza kuvarandutsira uye rimwe zuva akasundudzira Nyoni kumadziro emba apo akati achatsividza nekupisa imba yake.

Achipawo divi rake mudare, Nyoni anoti wanano yake nemudzimai wake ichiri kuenderera mberi asi ambuya vake ndivo vanoda kuvapesanisa.

Anoti ambuya vake havamuremekedze uye rimwe zuva vakamubata sikarudzi yake zvikaita kuti adonhere pasi.

Nyoni anoti mushure mezvo, Msimanga nemumwe mwanasikana wake vakatanga kumukava nekumurova nembama muviri wose.

Mutongi Ulukile Ndlovu vakapa Msimanga naNyoni gwaro redziviriro pamumwe nemumwe wavo.
Nyoni akanzi zvakare haafanirwe kushanya kumba kwaambuya vake.

Share This:

Sponsored Links