Uncategorized

Ambuya ‘vanokumbira’mukuwasha part two

24 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Ambuya ‘vanokumbira’mukuwasha part two Manfred Nhemachena

Kwayedza

Gibson Mhaka

NYAYA yemurume wekuBulawayo wekuti anovhevhetedzwa naambuya vake — amai vemudzimai wake — kuti vaite bonde naye yava nepamwe sezvo achiti mukadzi wake anonyatsozivisisa nezvayo uye aitomukurudzira kuti ashinhe naamai vake achiti ndiko kuti vaite mari.

Nguva pfupi yadarika, Manfred Nhemachena akashamisa vanhu vaiva muBulawayo Civil Court apo akaudza mutongi wedare iri kuti amai vemukadzi wake vanomukumbira kuti vashinhe naye vachiti murume wavo haavagutse.

Mukuwasha uyu anoti ambuya vake vakatombomupindira muimba yake yekurara “vachimukumbira”.

Tariro Nhemachema

Izvi zvakabuda apo mukadzi wake, Tariro Nhemachena, akaenda kudare iri achida gwaro redziviriro achiti murume wake anomushungurudza.

Manfred naTariro vakaroorana musi wa10 Chivabvu 2010 vakaita mwana mukomana vose. Wanano iri pamutemo asi pari zvino vari kumbogara kwakasiyana.

Kwayedza yakazotevera Manfred kumba kwake kuNyamandlovu kuti inzwisise maererano nenyaya iyi apo paakafumura zvakawanda.

Beatrice Marabwa

Anoti mudzimai wake aida kuti arare naamai vanonzi Beatrice Marabwa.

“Hazvingoshungurudza bedzi, asi zvaitotyisa. Handisisina kana rukudzo navo uye handichavaona semaonero andaimbovaita kare. Ndinotenda Mwari kuti ndakaramba kuita zvavaida,” anodaro Manfred.

“Ndakatanga kuona kuti zvinhu hazvisisina kumira mushe muna2015 apo ambuya vangu pavakauya vakagara kwenguva diki nesu. Handina kuva nedambudziko nazvo kusvika pavakatanga kuti vanoda kurara muimba yandinorara nemudzimai wangu.

“Pandakavabvunza kuti sei vachida kurara muimba yandinorara nemudzimai wangu, vakati murume wavo — tezvara vangu — haacharara navo,” anodaro.

Nekushamisika nezvakataurwa naambuya vake, Manfred anoti akavati vaende vanoona hama dzemurume wavo, asi vakazviramba.

Mukuwasha uyu anoti ambuya vake vakati vaizomanikidzira chete kurara muimba yaanorara.

“Kuzadzikisa mashoko avo, vakauya muimba yedu yatinorara nemukadzi wangu. Nekutya, ndakabva ndabuda mumba umu ndokuenda kune imwewo imba yekurara.

“Zuva rakatevera racho, vakauya kuimba yandakanga ndakarara kwandakatizira vasina kupfeka zvakazara uko vakawana ndirere ndokubva vagara pamakumbo pangu zvinyoro-nyoro. Kubva musi uyu ndivo vanga vava kuwacha hembe dzangu nekudziayina,” anodaro Manfred.

Mukuwasha uyu anoti akavhiringidzika mupfungwa nekuona zvakavanzika zvaambuya vake sezvo mazuva aya vaigara vakapfeka hembe dzekurarisa (night dress).

“Pandainonoka kudzoka kumba, ambuya ndivo vaindivhurira musiwo vakapfeka hembe dzekurarisa dzinoratidza zviri mukati,” anodaro.

Manfred anoti paakaudza mudzimai wake pamusoro pezvinoitwa naambuya vake izvi, akashamisika nemhinduro yaakawana.

“Mhinduro yake, akanditi, ‘ehe, ndezvechokwadi kuti havachasangana (nababa) saka iwewe ukangobvuma zvavari kukumbira, tinobva tatopfuma’.”

Manfred anoenderera mberi: “Ndakatya nemhinduro iyi, zvakandishamisa zvekuti ndakasvika pakutiza pamba pataigara tose.”

Anotizve akaedza kutaurirana natezvara vake nehama dzemudzimai wake pamusoro penyaya iyi asi hazvina kubatsira.

“Ndakaedza kutaura nehama dzavo asi ambuya vakadzituka padzakavatsiura. Ndakapedzisira ndaenda kuMvuma kumurume wavo anova tezvara vangu asi vakatadza kundibatsira,” anodaro Manfred.

Anoti ambuya vake vakagu

misira vomuvimbisa rufu vachiti akaudzirei hama dzavo nezvenyaya iyi.

Manfred anoti paakatanga kuita dambudziko nemukadzi wake, ambuya vake vakatora midziyo yake nechisimba inosanganisira zvemumba nesitendi yaanoda kuvaka imba.

Kwayedza payakataura naambuya vaManfred — Marabwa —avo vanova elder kuchechi yavo yeJehovah’s Witness, vakatanga kupopota vachiti mukuwasha wavo ane hunhu hwakashata.

“Iyi inyaya yakareba, madii kuuya kuMvuma titaure? Ari kunyepa uye ari kuda kusvibisa zita rangu semuKristu. Inyoka, ndine makore 72 okuberekwa uye handingadaro kumukwasha wangu.

“Zvakadaro, isu tiri vapfumi uye tiri mhuri yakadzidza kwazvo. Murume uyu akanga akanangana neupfumi hwedu. Hapana chatisina muupenyu hwedu isu,” vanodaro.

Vanovimbisa munyori uno kumutorera matanho asingatsanangurike kana nyaya ino ikabuda.

“Uchaona zvichaitika kana nyaya iyoyi ikabuda mubepanhau,” vanodaro.

Zvisinei, Manfred naTariro vari kukweshana mune imwewo nyaya mudare apo Tariro ari kukumbira kuti Manfred asakwanisa kuona mwana wavo.

Share This:

Sponsored Links