Amitisa mwana watete nechibharo

02 Oct, 2022 - 11:10 0 Views
Amitisa mwana watete nechibharo Insp Ncube

Kwayedza

Gibson Mhaka

MURUME wemakore 19 okuberekwa wekuBulawayo akasungwa nemhosva yekubata muzukuru, mwana wavatete vake, chibharo achibva abata pamuviri.

Mumwe wemumhuri iyi, uyo asina kuda kuzivikanwa zita rake, anoti murume uyu akatanga kubata hama yake chibharo munaChikumi 2020 apo aive achine makore 13 okuberekwa. Anoti pazvakatanga vaigara vese naambuya wavo kuNjube kuBulawayo.

Murume uyu anonzi airara muimba yake apo musikana uyu achirarawo muimba yekubikira nemunin’ina wake.
Zvinonzi murume uyu aimuka pakati pehusiku, onyahwaira kuenda kwairara musikana uyu opinda mumagumbeze ake obva amubata.

MunaGunyaya gore radarika, murume uyu anonzi akatanga kubata chibharo mwana uyu zvikaita kuti abate pamuviri. Musikana uyu akaudza ambuya vake zvaiitika asi ambuya ava vanonzi vakaedza kuvharidzira nyaya iyi.

“Ambuya vake vakamutsvetera kuti asamhan’are nyaya iyi kumapurisa ndokumuudza kuti zvaizosvibisa zita remhuri. Musikana uyu akaterera ndokuramba anyerere kusvika azoenda kuSouth Africa uko akazonobara mwana,” anodaro mumwe wemumhuri iyi.
Musikana uyu akazodzoka kuZimbabwe ndokutanga kugara navatete vake kuCowdray Park.

Tete vake ava vanonzi vakazotanga kunyumwa mushure mekunge vaona kuti mwana akabarwa nemusikana uyu ainge akafanana nemurume ari kupomerwa kumubata chibharo ndokumubvunza kuti baba vemwana varipi.
Musikana uyu anonzi akabuda pachena kuna tete ndokuvaudza zvese zvainge zvaitika.

Tete vake vakamukurudzira kuti anomhan’ara nyaya iyi kumapurisa izvo zvakazoona murume uyu achisungwa
Mutauriri wemapurisa kuBulawayo, Inspector Abednico Ncube, vanotsinhira nyaya iyi.
Vanokurudzira vanenge vabatwa chibharo kuti vamhan’are nekukurumidza kuitira kuti vagonovhenekwa nemachiremba.

Share This:

Sponsored Links