Kwayedza

Amwene ndivo sahomwe

KWAMURI tete
Ndiri mudzimai ane makore 25 okuzvarwa uye ndave negore nechidimbu ndaroorwa. Dambudziko rangu nderekuti murume wangu (uyo ane makore 28) haagone kugara asingaudze amai vake hurongwa hwemari yaanotambira kubasa kwake.

Anoratidza amai vake pay-slip uye ivo ndivo vanozoronga mashandisirwo emari yedu. Zvakawanda murume wangu anoronga naamai vake zvekuti dzimwe nguva kana pakangoita kakusanzwisisana, kunyangwe kenyaya diki mubedroom medu, unozonzwa amwene vangu vobvunza kuti tiri kuzvifambisa sei.

Ndave kutotadza kana kutengerwa mbatya murume wangu achingoti haana mari. Kugadzirwa musoro chaiko unonzwa achiti, “Manje amai havazvide izvozvo nekuti zvinopedza mari.”

Saka ndokumbira amwene mari yekugadzirwa musoro here nekuda kwekuti ndivo sahomwe wemari yemurume wangu?

Pamwe ndini ndisiri kuziva zvandiri kuita, asi ndinoona sekunge zvisirizvo. Ndakamboda kutaura nyaya yekuti tinoroja ndikabva ndaigochera pahutsi. Ndakanonotwa ndichipomerwa mhosva yekuva muroora akauya kuzoparadza musha. Asi chokwadi ndechekuti ndangova mwana wekireshi mumba memurume wangu.

Kunotenga zvekudya anoenda naamai, vachitomupa chenji asi mari zhinji vachigara nayo. Mazuva avazotora kadhi rekubhangi vaitoda kuziva mashandiro ainge achiita sendi rega-rega uye ndichipomerwa mhosva yekunzi ndini ndiri kutambisa mari. Saka ndotenga sei zvipfeko zvemukati apo ndichiita sendisina kuwanikwa?

Ndashupika.

Budiriro 5 B,

Harare.

 

MHINDURO:

Dambudziko rako rinorwadza muzukuru. Tinoziva kuti kana vabereki mwana wavo aroora kana kuroorwa, vanofanirwa kufara nokuti vanoshuwira dzimba dzevana vavo kuti dzibudirire.

Iro Bhaibheri shoko raMwari rinotaura wani kuti kana maroorana munosiya vabereki venyu monotangawo upenyu hwenyu. Amai ava havasi kuda kusunungura mwanakomana vavo kuti aitewo upenyu hwake nemhuri yake.

Iwe muzukuru wakamboudzawo madzitete emurume wako here kuti ndiwo magariro auri kuita navamwene vako? Kana kuri kwekuti varipo, havafanirwe kukugadzai dare, nokuti inozoita ngozi. Vanongofanirwa kutaura navo sevari kutamba.

Asi kana kuri kunzi hapana vana tete, iwewe taura nemurume wako womuudza kuti wave kuda kusiya musha, nokuti kutaura chokwadi hapana chawakagarira. Muzukuru pamusha apa hausi kudiwa, amai nemwana wavo vakatorangana, saka iwe udza murume wako kuti hauchada. Ukaramba uripo, unenge uchitogarira pasina, vanogona kutokushereketera nemishonga. Usaparadze nguva, kudzokera kumusha kwenyu kwakangonaka, nokuti hapana magadzirisiro aunoita nyaya yako, vamwene havagadzwe dare uyezve vari kutoshandisa mwana wavo.

Tete.