‘Ane marambadoro’

21 Oct, 2019 - 17:10 0 Views
‘Ane marambadoro’

Kwayedza

Tatenda Shuro

MUMWE mudzimai anoti ashaya zano rekuita nemwanakomana wake uyo ane marambadoro zvekuti anogara achiti anoda kuuraya vanin’ina achivabaya nebanga.

Merenzia Pindeni akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira Ernest Kanembera achiti ari kumushaisa rugare.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Pindeni gwaro redziviriro.

“Mambo wangu, uyu mwanakomana wangu asi ngaadzingwe hake pamba nekuti andishungurudza zvikuru.

“Anouya akadhakwa pakati pohusiku oti anoda kuuraya vanun’una vake nebanga,” anodaro Pindeni.

Anoti zvakare Kanembera ane katsika kekumubira zvinhu zvake.

“Mwana uyu anondibira zvinhu zvangu. Ndakamhan’ara akasungwa tikatomboenda kuMbare Court tikanzi tizodzoke asi haana kuuya,” anodaro.

Kanembera haana kuenda kudare kuti azopawo divi rake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey