Uncategorized

Anochengeta zvigubhu zvizere weti mumba

07 May, 2021 - 16:05 0 Views
Anochengeta zvigubhu zvizere weti mumba

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VAGARI vepapurazi reRasper kana kuti Parklanes Shade 2 riri kuPorta, kuNorton svondo rapera vakasara vasina neremuromo zvichitevera nyaya yemurume weko uyo akawanikwa aine weti mumba make yaidarika marita 60 yakaiswa muzvigumbu nemumabhodhoro.

Anonzi aiti weti iyi ndeyake iyo akaiita kwemakore anodarika mashanu achiichengeta.

VaTawanda Venty (41) vanotsinhira nyaya iyi vachiti semunhu anonwa doro, vanopota vachiitira weti muzvigubhu vasingade kubuda panze husiku.
“Ichokwadi, vanhu vakawana weti iri mumba mangu muzvigubhu mushure mekunge ndanetsana nemumwe munhu wandiri kuchengeta kumba kwangu, ndiye akazviona achibva audza vamwe vanhu. Asi zvekuti ndakagara nayo kwemakore kunyepa, ndeyandakaita mumasvondo mashoma bedzi. Zvigubhu izvi ndizvo chamber dzangu,” vanodaro VaVenty.

Murume uyu – uyo anonzi akatizwa nemudzimai mugore ra2015 nenyaya yake yekuchengeta weti mumba – anoti anoita zvekuredza hove idzo anozotengesa kumabhawa.

“Tiri vanhu vedoro, kana ndadhakwa ndikarara handizogona kubuda panze. Saka ndinoitira weti muzvigubhu ndichizokanganwa zvangu kunorasa panze kunze kwayedza. Zvekuti weti iyi ine chekuita nemishonga yechivanhu handizvo, vanhu vanoda kukoresa nyaya chete,” vanodaro VaVenty.

Vanoti akazofumura nyaya iyi mumwe murume akauya mukomboni mavo anoita zvekutengesa zvinhu zvakasiyana wavari kugara naye kumba kwavo.

Madzibaba Joseph Motsi (48) vechechi yepositori uye vachigara papurazi apa vanoti vakashamiswa nenyaya yeweti yaive yakachengeterwa muzvigubhu iyi.

“Takangoonawo nemusi weMugovera wakadarika tava kushevedzwa mukomboni kunzi mune munhu awanikwa aine weti inodarika marita 60 tikaenda kunozvionera. Mumba umu mainhuhwa zviya zvinoita muzvimbuzi zvisingagezwe richingova gwema reweti.

“Zvinoshamisa kuti murume mukuru anonzi akaita weti iyi kwemakore mashanu  achingoichengeta muzvigubhu,” vanodaro Madzibaba Motsi.
VaDick Kamupira (32) vepapurazi apa uye vanova sahwira waVaVenty vanoti mushure mekunge runyerekupe rwekuchengetwa kweweti mumba rwabuda, vanhu vakazorangana kuenda kumba uku kunozvionera.
“Taitamba snooker kubhawa pakasvika shoko rekuti kumba kwa’Baba Meridha’ kana kuti Venty kune weti yakawandisa. Takamhanya kubva mubhawa vanhu vaidarika gumi tikanowana weti iyi yaiva muzvigudhu zvema5 litres, mascud nemabhodhoro madiki zvose zvainge zvakavharwa zvaburitswa panze nevanhu vaipenga kuti murume uyu anoita zvemishonga yekuroya vamwe mukomboni,” vanodaro VaKamupira.
Vanoti sahwira wavo Venty akazosvika ndokuwana vanhu vaburitsa weti iyi panze achibva atora banga achitaura kuti vanhu vaiva vamufumura zvinhu zvake achiti aida kuvacheka.
“Ndakatora banga iro aikweshera pasi achiti aida kucheka naro vanhu ndichibva ndaboora chimwe chigubhu chaiva neweti iyi icho chakanga chafuta nekuvira kwayo ikatanga kupfachuka zvine simba ikatochapukira kune vamwe vanhu vaivepo kumeso. Weti iyi yakazoraswa nevanhu, zvigubhu nemabhodhoro zvikanopiswa nevaiti uku kuzvifumura,” vanodaro VaKamupira.

VaElias Bhechani (44) vanove shamwari zvakare yaVaVenty vanoti vakashamiswa zvikuru kuona mashura aya.

“Baba Meridah iye Venty akatanga kunetsana nemumwe murume waari kugara naye, vakatorana vave kuenda kumba kwavo vachidhonzana zvekuda kurwa. Mudzimai wangu akanditi teverai vanhu ava vanogona kukuvadzana, inova nguva yakabva murume uyu aburitsa gure iri kuvanhu kuti mumba mavo maiva muzere zvigubhu zveweti yaichengetwa naVenty.

“Vanhu vakapinda mumba nechisimba ndokuona weti iyi vachibva vaiburitsa panze,” vanodaro VaBhechani.

Vanoti havana kukwanisa kuverenga zvigubhu nemabhodhoro zvainge zvizere weti iyi, kusanganisira yaiva muzvigubhu zvedoro.

“Weti iyi yaburitswa panze uye vanhu vaungana vachiona, sahwira wangu Baba Meridha akaburitsa muromo wekuti aiva afumurwa zvakanyanya nekuburitswa kwenyaya iyi kuruzhinji,” vanodaro VaBhechani.

Nyanzvi yezvechivanhu, Mbuya Alice Kwenda Masoko (62), vekuLochnvar, muguta reHarare vanoti weti inoshandiswa zvakasiyana mukufumura mabasa evaroyi kana kuroyesa.

“Weti inoshandiswawo nevaroyi kutsipika minda yevamwe uyewo inosevenzeswa kufumura zvakaipa. Ukazora mwana weti achivhumuka zvinopera. Hatizivewo kuti uyu anoishandisa chii,” vanodaro Mbuya Kwenda.

Nyanzvi dzezvekurima dzinotiwo weti inoshandiswa sefetiraiza muzvirimwa zvichiita zvakanaka zvikuru.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey