Anoda kubata mai vakaremara chibharo

12 Oct, 2021 - 17:10 0 Views
Anoda kubata mai vakaremara chibharo

Kwayedza

Gibson Mhaka

MUDZIMAI akaremara mitezo anogara mumusha weMzilikazi, kuBulawayo anonzi akarwisana nemurume akapinda mumba make nechisimba achida kumubata chibharo akamukurira zvikaita kuti apedzisire atiza.

Isaac Mbewe (39), uyo anozivikanwa nekuita basa rekusona shangu munzvimbo iyi, ndiye ari kupomerwa mhosva yechibharo.
Zvinonzi nemusi wa28 Gunyana gore rino, Mbewe – uyo anogara kudzimba dzeThokozani Flats, kuMzilikazi – akaenda kumba kwemumhan’ari achibva amuona ari oga pamba.

Mudzimai uyu anonzi akanyumwa kuti musungwa uyu akange afambire chii ndokumuudza kuti abve pamba pake achibva abvuma ndokuenda.
Mushure memaminitsi mashoma-shoma, Mbewe anonzi akadzoka ndokupinda mumba memumhan’ari nechisimba.
Ave mumba umu, Mbewe anonzi akati anoda kuita bonde nemusungwa, uyo anove mhetamakumbo, asi akaramba.
Mbewe anonzi akashatiriswa nazvo ndokubva afugura dhirezi remudzimai uyu ndokubvarura chipfeko chake chemukati, panguva imwe chete achikumura mbatya dzake.

Anonzi akabva atsimbirira mumhan’ari pasi zvakaita kuti aridze mhere achishevedzera kuvavakidzani vake kuti vazomununura apo airwisana naye.
Mbewe anonzi akazopfeka nhumbi dzake ndokubuda mumba umu achitiza.

Muvakidzani wemudzimai uyu akazouya ndokuudzwa zvainge zvaitika. Vaviri ava vakanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti Mbewe asungwe.

Nekuda kwemhosva iyi, Mbewe akamiswa pamberi pemutongi Nomasiko Ndlovu pasi pechikamu cheSection 189 chemutemo weCriminal Law (Codification and Refom Act) Chapter 9:23.
Haana kupihwa mukana wekuramba kana kubvuma mhosva iyi uye achadzoka mudare neChina chino apo anenge ari muchizarira.

Share This:

Sponsored Links