Anodiridza mudzimai nehosipaipi ashatirwa

07 Jul, 2024 - 16:07 0 Views
Anodiridza mudzimai nehosipaipi ashatirwa Hosipaipi

Phillipa Mukome Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anoti murume wake ane katsika kekumumwaya mvura nehosipaipi muviri wose pavanenge vanetsana uye kumutuka nezvinyadzi pane vana vavo.

Josephine Chipanga akaudza dare reHarare Civil Court kuti Felix Chipanga anogara achimurova zvekare.

“Murume wangu anondirova nokundituka zvinonyadzisira pamberi pevana, dai aregedza hunhu hwakadai nekuti hazvipe chimiro chakanaka pamberi pevana,” anodaro Josephine.

“Mumwe musi ndichigadzira chikafu kuti ndiende kunobata maoko uko ndaizorara ndiri, vakapinda mukicheni ndokutanga kundipfapfaidza muviri wese nehosipaipi, ndakabuda mumba ndichimhanya ivo ndokunditevera yadhi yese vachindimwaya mvura kusvikira muviri wangu wati chakachaka kutota. Ndakabvunza kuti vaizviitireyi vakati ndaifanira kugara pamba kwete kungoti pese pafiwa unoda kunge uripo,” anodaro.

Achipawo divi rake, Felix anoti haana dambudziko nekuti mudzimai wake apihwe gwaro redziviriro asi anofanirwa kusandura hunhu hwake.

“Ndakatombosvika pakubvunza mumwe muzukuru kuti dzakanyatsokwana here dzaamai ava mushure mekunge vamukira kunhamo kuFuneral Parlour ivo varidzi vemufi wasati vatombosvika panzimbo kuti vatore munhu wavo,” anodaro Felix.

“Chinondinetsa mudzimai uyu anoda kuenda kunhamo dzese dzaanenge anzwa kumusha kwake nedzimwe dzekuti hukama hwacho ndehwekure, kunyangwe dzekubasa chaidzo. Pedzezvo anoda kuenda zvekare kunyaradzo nepaya panozoitwa zvekuiswa kwedombo anoda kunge aripo. Anototora zororo kubasa rekuenda kunhamo dzese-dzese, handisi kufara nazvo, anofanira kusandura maitiro ake.”

Mutongi Johanna Mukwesha vakapa Josephine gwaro redziviriro ndokukurudzira vaviri ava kuti vanofanirwa kuenda kuna chipangamazano mukati memwedzi mitatu iri kutevera kuti vabatsirwe vagokwanisa kuzogarisana zvakanaka.

Share This:

Sponsored Links