Anodiridza murume nemvura, omurikita

20 Nov, 2021 - 14:11 0 Views
Anodiridza murume nemvura, omurikita

Kwayedza

Prayer Muronzerei

MUDZIMAI wekuDangamvura, kwaMutare anonzi ane katsika kekudira murume wake mvura inotonhora mumuviri wose ozomurova apo anenge achida kuti apihwe mari yevana yekuchikoro.

Nyaya iyi yakazokonzera kuti Sifiso Sikaike (40) apinde panyatwa apo akamiswa mudare reMutare Civil Court pamberi peMutongi Prisca Manhibi achitarisana nemhosva yekushungurudza murume wake.

Mutongi Manhibi akapa Sifiso chirango chekuti abhadhare faindi ye$5 000 musi wa30 Mbudzi usati wasvika uye kukundikana kwake achagara mujeri kwemazuva 30.

Muchuchisi Mai Tafadzwa Chiwanza vakaudza dare kuti nemusi wa3 Mbudzi gore rino, Sifiso akadira murume wake – Richard Sikaike – mabhaketi matatu emvura yaitonhora.

Akazomurova nemugoti kana mumusoro wake.

“Nenguva dza5 mangwanani muimba yekutandarira, Sifiso akavhura gonhi ndokudira murume wake mabhaketi matatu emvura yaitonhora. Akabva amurova kana mumusoro wake achishandisa mugoti,” vanodaro Mai Chiwanza.

Nyaya iyi yakamhan’ara kumapurisa izvo zvakazoona Sifiso achisungwa.

Achibvunzwa nedare kuti sei akabata murume wake nenzira iyi, Sifiso anoti akange aramba kumupa mari yefizi yevana yekuchikoro.

“Dai wange uine basa rekushanda waisarovera murume wako mari. Unofanira kutsvaga zvimwe zvekuita muhupenyu kuti mubatsiranane nekuti tave kutya unogona kusvika pakumudira mafuta anopisa nekungoda mari yake chete,” vanodaro Mutongi Manhibi.

Share This:

Sponsored Links