Anoisira mukadzi sipo mu‘rice’

02 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
MUMWE mukadzi akachema-chema mudare achiti murume wake anoda kumuuraya zvekuti akatombomuisira imwe mhando yesipo mumupunga.

Pamhidzai Joho akamhan’arira Cathbert Manyika kuHarare Civil Court achida kuti amiswe kumutuka kuti ipfambi nekumudzinga pamba.

“Ngaasandituke kuti ndiri pfambi nenyaya yake yekuchengera uye kundidzinga pamba achiburitsa midziyo yangu panze,” anodaro Joho.

Anoti Manyika anomuudza kuti anogona kumuuraya izvo zvaanofunga kuti zvinogona kuitika nekuti akamboona sipo yakadirwa musaga remupunga.

“Anogara achiti anoda kundiuraya, handizvirambe nekuti ndakamboona sipo yakadirwa musaga raiva nemupunga wataida kubika,” anodaro Joho.

Manyika anobvumirana nechikumbiro chaJoho asi anoti zvimwe zvataurwa manyepo.

“Handirambirane nezvaanoda asi zvaari kutaura zvimwe zvacho manyepo. Ndakapedzesera kumurova muna 2000 uye handimudzinge pamba nekuti ini handisi kugara ipapo.

“Kumutuka ndakamutuka hangu kuti ipfambi asi haisi nyaya hombe nekuti zvinowanikwa mudzimba dzose uye vanhu vane kamutambiro kakasiyana. Handina kumbofunga kuti angatsamwe,” anodaro Manyika.

Joho anoti gwaro redziviriro iri ari kurida nekuti anoda kuchengetedza imba yake sezvo ava nevazukuru nevakuwasha.

“Ndiri kurida gwaro iri nekuti ndiri kuda kuchengetedza imba yangu, hazvingazoite kuti tigare tichinetsana isu tava nevazukuru nevakuwasha, zvinonyadzisa,” anodaro Joho.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Joho gwaro redziviriro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey