Anoita 1hr achinyomba murume

20 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Anoita 1hr achinyomba murume

Kwayedza

Nyasha Bvudzijena

MURUME anova samusha anoti ari kuoneswa ndondo nemudzimai wake uyo anomurikita kumurova achimudhonza sikarudzi yake, pashure ozoita chipo cheawa rose achiimba nziyo dzekumunyomba.

Philmon Njokwe akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court achitsvaga gwaro rinomudzivirira kubva kuna Dorcas Thakathali.

“Changamire, amai ava vanondirova uye kana vagumbuka vanoita simba rekuti munotoshamisika nekamuviri kavainako ikaka. Ndotogara ndichitya nekuti pavakapedzisira kundirova, vakatosvika pakundidhonza sikarudzi,” anodaro Njokwe.

Anoti mudzimai wake anoimba nziyo dzekumunyomba.

“Kana tanetsana, vanoita awa rose vachindiimbira nziyo vachiisa zita rangu mukati nekunamata vachitenderera imba yose vachireva zita rangu izvo zvinondishungurudza zvakanyanya,” anodaro Njokwe.

Anotizve mudzimai wake akamutorera makii emotokari dzaanoshandisa mukufambisa basa izvo zvave kukanganisa bhizimisi rake.

“Ndine motokari mbiri, asi mudzimai wangu akuramba nemakii izvo zvave kukanganisa basa rangu. Ndarasikirwa nemakasitoma mazhinji pamwedzi miviri iyi nekuti ndinoita zvekutengesa mitero Zimbabwe yose,” anodaro Njokwe

Thakathali anopikisana nechikumbiro chaNjokwe.

“Ndini ndinofanira kupihwa gwaro nekuti ndini ndinorohwa nababa ava. Vanonyepa zvisingaite, nyangwe vana vanotoziva kuti baba vedu vane nhema,” anodaro.

Thakathali anoti haana kumbobvira anyima murume wake makii emotokari. “Makii emotokari handina kuvanyima, ndaingoda kuti ndivape pamberi pehama nekuti tiri toga hazvibude,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Njekwa gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links