Anokinditsa mudzimai zvose nemwana

13 Mar, 2023 - 16:03 0 Views
Anokinditsa mudzimai zvose nemwana Dare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHIREVO chinoti nyadzi dzinokunda rufu chinozadzikiswa nenyaya yemurume wekuChitungwiza uyo ashaya pekupinda nekunyara mudare achipomerwa kugarorova mudzimai wake nemwana.

Shame Chauruka (44) amiswa pamberi pemutongi Chiedza Manase wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts nemhosva yekurova mudzimai wake, Portia Banda (33), pamwe chete nemwana wavo Tadiwanashe Chauruka.

Mutongi amupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi misere asi ndokuzosendeka mwedzi mumwe chete padivi nechitsidzo chekuti haafanire kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika.

Mwedzi mina yabviswa zvekare pachirango ichi nechitsidzo chekuti Chauruka anofanira kunoshanda pasina muripo kwemaawa 140 paSt Mary’s Clinic.

Muchuchisi Faith Simango audza dare kuti nemusi wa18 Kukadzi gore rino panhamba 1724 kuSt Mary’s, Chauruka akasvika pamba ndokupopotera mudzimai wake, mushure kwava kumurova nembama pamberi pevana.

Nekurwadziwa neizvi, mumwe wevana ava, Tadiwanashe, akabva aedza kurandutsira amai vake asi akabva arohwawo nembama uye kudzipwa pahuro.

Mhosva yechipiri yakaitika nemusi wa2 Kukadzi gore rino apo Chauruka akaita tsika yake imwe chete, ndokusvikorova mudzimai wake nembama kumeso uye mwana uyu pakaakaedza kurandutsira, akarikitwa zvekare.

“Uyu murume wangu uye tine vana vatatu tose. Ndinorangarira nemusi wa18 Kukadzi akauya achingopopota ndokutanga kundirova nembama ndokundidzipa pahuro. Mwana wangu Tadiwanashe paakaedza kurandutsira, vakabva vamurova zvekare.

“Nemusi wa2 Kukadzi, vakaita zvimwe chetezvo. Vakatouya vachidaidzira kuti ‘Unozviti uri mukadzi here, kune vakadzi kwete iwe . . .,” anodaro Banda achiudza dare.

Vaviri ava havana kuenda kuchipatara kunovhenekwa mushure mekurohwa kwavaiitwa.

Share This:

Sponsored Links