‘Anondirova tiri pabasa’

01 Jun, 2023 - 17:06 0 Views
‘Anondirova tiri pabasa’ Previous Chigwande

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anoti ari kuoneswa ndondo nemumwe mukadzi uyo waanotengesa naye muchitoro chimwe chete achimutukira nezvinyadzi pamberi pevatengi uye anoti anoda kumuuraya agodya nyama yake.

Ever Sibanda akaendesa Previous Chigwande kudare reHarare Civil Court achiti ari kumutadzisa kushanda zvakanaka.

“Ndakatengesera kasitoma yake inoita zvemagetsi drill nekuti yanga yauya iye asati asvika, saka paakadzoka ndakamuudza zvakanaka kuti ndizvo zvainge zvaitika. Hazvina kumuitira zvakanaka ndokubva atanga kutukirira nezvinyadzi pamberi pamakasitoma.

“Izvi zvakaita kuti ndimupe dhora randainge ndatengesa kuti nyaya yacho ipere. Mudzimai uyu akaramba achipopota ndokusvika pakundiruma paruoko, mumwe murume wemushopu imomu akaedza kumubvisa asi akaramba akaruma. Ndakazoramba ndichimurova nechibhakera kumeso kusvika arega kundiruma,” anoda Sibanda

Anoenderera mberi achiti: “Ndakamhanya kumapurisa uko ndakazopihwa tsamba yekunorapwa. Ndiri pamapurisa ipapo, Chigwande akabva asvikawo kuzomhan’ara asi chakandinetsa ndechekuti mapurisa vakatomubvunza kuti wadzokazve nenyaya dzako dzekuruma vanhu? Ndipo pandakabva ndaona kuti zviri nani kuuya kudare nekuti akatoti anoda kundidya nyama yangu, kundiponda nesimbi kana kundiisira nduru muchikafu changu. Anoti zvakare miteuro yekukereke kwangu inomushayisa makasitoma.”

Chigwande akaramba zvose zvaitaurwa naSibanda.

“Inini murume wangu akafa nekupondwa saka ndave kutotyirawo upenyu hwangu nekuti Sibanda ndiye ari kundishungurudza. Ndakambozama kukumbira ruregerero ndichiti pamwe ndine pandakamutadzira asi akaramba. Ndatouyawo netsamba yangu yekukumbira gwaro redziviriro nekuti zvanyanya,” anodaro Chigwande.

Mutongi Tamara Chibindi vakapa Sibanda gwaro redziviriro asi chikumbiro chaChigwande chekuda kupihwawo gwaro iri chakaraswa.

Share This:

Sponsored Links