Anongobara vana vachifa vari vacheche

24 Mar, 2023 - 11:03 0 Views
Anongobara vana vachifa vari vacheche Vamwene nemuroora

Kwayedza

Kingstone Mapupu

NYAYA dzevanhu vari kubuda pachena kuti varoyi dziri kuwanda uye izvi zvinotevera madzimai maviri – wekwaMambo Ngezi, kuMhondoro newekuBocha, kwaMarange – avo vari kuita kuimba chaiko vachizviti vanoroya.

Mbuya Elifina Mushandu (78) vanobva kupurazi raMakandiwa, kuNgezi, kuChegutu, vari kubuda pachena kuti vatambudzwa neshavi rehuroyi.

Vanoti vari kuuraya vanhu mumusha mavakaroorwa uyewo nekuita kuti pamuviri pemuroora wavo, Melody Njona (23), patsakatike.

Muroora uyu anonzi akafirwa nevana vasere vari vacheche uye nekuparadzika pamuviri kakawanda.

Nyaya yekureurura kwaambuya ava kuti vanoroya yakasvika mudare raMambo Ngezi, VaPeter Pasipamire, avo vakazokurudzira mhuri iyi kuti ifambe kumachiremba echivanhu nekumaporofita kuti vawane chokwadi chaicho.

“Nyaya yehuroyi iyi yakapinda mudare rangu vemhuri iyi vachinetsana uye muroora achiti anobata vamwene vake, mudzimai wechina wavatezvara vake, kwete vamwene vake chaivo. Muroora uyu, Melody Njona, ndiye akatanga kusimudza nyaya iyi nekubva pamuviri nekufirwa nevana vakasvika vasere kubva mugore ra2016. Izvozvi haana mwana uye mudzimai waTrymore Mushandu,” vanodaro Mambo Ngezi.

Mbuya Mushandu vakazotorana nemuroora wavo nevamwe vemhuri vakaenda kuimwe n’anga yemuHarare uko vari kushandirwa kuti shavi rehuroyi iri ribviswe.

“Ndinobvuma kuti vana vemuroora wangu ndini ndinovadya, ndiri muroyi. Ndinoita zvekurota, pamwe shavi iri nderekumusha kwangu nekuti ikoko vanonditiwo ndiri muroyi,” vanodaro Mbuya Mushandu.

Vakapotsa vabatana pahuro nemuroora wavo pan’anga apa vatori venhau veKwayedza varipo apo muroora aiti anoda kuti vamwene vake varege kuramba vachimuroya.

“Amai havasi kubvuma chaizvo kwamuri vatori venhau sekudura kwavari kuita kun’anga nekwatiri kuti vanoroya. Ndaneta nekuramba ndichigara mumusha mavo ndisina mwana, ndava kuramba mwana wavo. Handichada nezvavo. Ndinosvika rinhi ndisina mwana kudai, inga ndamboshinga wani?” anodaro Melody Njona.

Mbuya Mushandu vanoti vanoda kuti shavi rekuroya riri pavari ribviswe.

“Ndakamirira kuti kushandirwa kwangu kupere ndibviswe huroyi uhwu. Handidzokere kumusha kana husina kubva nekuti zvanditadzisa kugara zvakanaka nevana nemhuri yose. Baba vakasara kumusha vakanditi enda unobviswa huroyi.

“Ivo baba ndibishop muchechi medu kureva kuti ini ndinotova Mai Bishop kunyangwe ndichiroya zvangu,” vanodaro Mbuya Mushandu.

Zvakadai, mumwe ari kudura kuti anoroya ndiBeaulla Marengenya Mutiwadirwa (18) vemubhuku raSangodema, kuBocha.

“Ndakaroorwa ndokuita pamuviri ndikasununguka mwana uyo akazoramba kuyamwa. Panguva iyi ndipo pakazobuda kuti ini ndinoroya, shavi rikatobuda pandiri richitaura.

“Shavi iri rakazobviswa, ndakaita rekupihwa nemunhu wehukama,” vanodaro Mai Mutiwadirwa.

Vanoti vairota vachienda kumakuva nekudya nyama yevanhu nekunwa ropa izvo zvose zvakapera.

“Musashora kana kutuka nekumhura vamwe vanhu vamunonzwa kuti vanoroya, zvimwe zvakaitika nekusada uye vamwe vanoita huroyi hwekupihwa,” vanodaro Mai Mutiwadirwa.

VaEdmore Mutanha (44) vanova muporofita pamwe chete nachiremba wechivanhu uye vari murume waMai Mutiwadirwa vanotsinhira huroyi hwemudzimai wavo.

“Takaita mwana akaramba kuyamwa, mudzimu uri pandiri ukazoburitsa pachena kuti vairoya. Takazovapara nyora dzehuroyi idzi tikavarutsisa vakaita zvakanaka, vakanga vapihwa huroyi uhwu,” vanodaro VaMutanha.

Share This:

Sponsored Links