Anonorovera mukadzi kubasa

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Anonorovera mukadzi kubasa

Kwayedza

Courtney Munodawafa

MUDZIMAI anogara kuEast View, muHarare, anoti murume wake akamudzinga pamba achimupomera kuti ane chikomba sezvo achiita basa rekutengesa zvakasiyana-siyana.

Auxillia Chirombo akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court uko akazvuvira Luckson Chingorima achida gwaro rerunyararo.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Chirombo gwaro rinomuchengetedza.

“Mutongi, uyu murume wangu akandiroora asi pari zvino hatisi kugara tose. Ndiri kugara kumba kwevabereki vangu nekuti ndakabva pamba vandidzinga mwedzi miviri yapfuura. Taigara tichinetsana vachinditi ibva pano vachindirova.

“Ndinoita zvekutengesa saka pese pandainonoka kusvika kumba vaibva vanditi ndine chikomba ini ndisina,” anodaro.

Anoti murume wake anouya kwaanoshandira achimushungurudza uye ari kuramba kumupa vana.

“Baba ava vanopota vachiuya pandinotengesera vachinditukirira nekukanganisa basa rangu. Ini ndave kuda kudzoka kumba nekuti vakandidzinga asi imba iyoyo takatenga sitendi tese uye takaivaka tese.

“Havandibvumidze kuona vana. Vakandirambidza kuti nditore mwana wedu mudiki wacho vachiti havana mwana anorererwa kusiri kumba kwavo,” anodaro Chirombo.

Chingorima anoti haaite zviri kutaurwa nemudzimai wake asi kuti mukadzi uyu ndiye anoita kunge munhu asina kuroorwa.

“Mudzimai uyu haasi kutaura chokwadi, handimurove ini. Takangonetserana nyaya yekuti haana kurara pamba mumwe musi ndakaudza vabereki vake tikayananiswa. Akazozviita futi ndakaudza vabereki vake iye akanditi ane pake paave kugara. Hatina kurambana, kana achida kudzoka ngaadzoke hake,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links