Anoona zvidhoma kana adhakwa

26 Jul, 2022 - 16:07 0 Views
Anoona zvidhoma kana adhakwa VaOllafu Mugocha vachiratidza mamwe emahwindo anonzi akapwanyiwa nasahwira wavo. – Mifananidzo naEdward Zvemisha

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUKOMANA anogara kuUnit J kuChitungwiza, uyo anotora zvinodhaka zvinosanganisira mutoriro, anonzi apedza kupwanya magirazi emba yevabereki veshamwari yake achiti anenge achida kuuraya zvidhoma zvaaiona mumba umu.

Tafadzwa Nderema (26) anonzi akaenda panhamba 6788 kuUnit J huri husiku ndokutanga kupwanya imba yose mahwindo nekuparadza zvidhinha zvakabata mahwindo achiti shamwari yake inogara pamba apa muroyi ane zvidhoma zvaanoti zvaiva mumba umu.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Julius Chakanza vanotsinhira nyaya iyi.

“Tinayo nyaya yemurume akaenda kumba kweshamwari yake akadhakwa akanopwanya mahwindo achitaura zvaisanzwisisika. Akatosungwa uye anotarisirwa kuenda kumatare edzimhosva,” vanodaro Insp Chakanza.

Vanoyambira vanhu vanotora zvinodhaka semutoriro kuti vasiyane netsika iyi sezvo vachigona kusungwa pamwe chete nevanovatengesera.

VaOllafu Mugocha (42) vanova shamwari yaNderema vanotsinhirawo nyaya iyi vachiti pakaitika bongozozo iri, ivo vakanga vasipo sezvo vakazouya vachiwana musha waparadzwa mahwindo ose.

Imba yakaparadzwa

“Tafadzwa Nderema ndisahwira wangu, tinotamba tose. Ini ndakasiirwa imba iyi naamai vangu vari kurwara avo vakaenda kunogara nehanzvadzi yangu. Baba vakashaika kare.

“Akauya pano ndokutanga kupunza mahwindo nemasimbi achitaura kuti ini ndine zvidhoma zvaaida kuuraya, pamwe dai akandiwana aindikuvadza,” vanodaro VaMugocha.

Mamwe mahwindo anonzi akapwanywa naTafadzwa Nderema apo aive akadhakwa

Kunyangwe zvazvo vanhu vachitaura kuti VaMugocha vanotorawo zvinodhaka, murume uyu ari kuramba mashoko aya achiti sahwira wake ndiye akatanga kuita izvi munguva pfupi yakadarika.

Mai Mavis Nyathi (32) vanova muvakidzani wemhuri iyi vachigara panhamba 6787 kuUnit J kwakare vanoti vakanzwa ruzha husiku apo Nderema aipwanya mahwindo.

“Takaona Tafadzwa Nderema akabata sando nemasimbi achiti aida kuuraya shamwari yake achimupomera kuti muroyi ane zvidhoma zvaiva mumba umu. Sahwira wacho akanga asipo zvakazopa kuti atange kupwanya mahwindo nefrench door,” vanodaro Mai Nyathi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey