Anorasa mwana kana adhakwa

24 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Tatenda Shuro
MUDZIMAI wekuHatcliffe, muHarare — wekunzi ane marambadoro — anonzi akarasa mwana wake mune rimwe sango rekunzvimbo yaanogara apo ainge akakoriwa nehwahwa.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Brian Mhakayaora akamhan’arira aimbove mudzimai wake, Dambudzo Hondo.

“Mambo, uyu aimbova mudzimai wangu tikasiyana munaNdira gore rino.

‘‘Iko zvino ndashaiswa rugare naamai ava, vanouya kumba kwangu vakadhakwa voita mhirizhonga izvo zvakaita kuti mumwe musi vapwanye mahwindo epamba pandinotorojawo,” anodaro.

Mhakayaora anoti Hondo ane marambadoro zvekuti rimwe zuva akarasa mwana wavo musango rekuHatcliffe apo ainge akadhakwa.

“Vakarasa zvakare mwana wedu mudiki asati atombove nemakore maviri okuberekwa mumahuswa apo vainge vakadhakwa ndokundiigira mhomho yevanhu kumba vachindishaisa rugare,” anodaro.

Anoti haadi kuti Hondo asvika pamba paanoroja.

“Ngavasauye kuzoita ruzha pamba pandinogara, hapasi pangu nekuti ndinozogumisira ndadzingwa,” anodaro.

Achipawo divi rake, Hondo anoti anoenda kumba kunogara Mhakayaora achida zvinhu zvake izvo zvave kushandiswa nemudzimai waave kugara naye.

“Kumba kwavo ndaienda nechikonzero chokunobvunza zvinhu zvangu zvavakatakura nemari yechikafu. Handisati ndamboendako ndakadhakwa ini. Hongu, ndaimbonwa asi iko zvino ndakasiyana nezvinodhaka,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Ndinonzwa kurwadziwa nguva nenguva nekuti zvinhu zvangu zvaakatora zvave kutoshandiswa nemukadzi uyo waava kugara naye.”

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Mhakayaora gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links