Anorova amai vake, ovapenda kumeso

06 May, 2021 - 13:05 0 Views
Anorova amai vake, ovapenda kumeso

Kwayedza

Danisa Masuku

MWANAKOMANA anogara mumusha wePumula North, kuBulawayo, anorova amai vake nyakumutumbura, achivatuka nezvinyadzi uye kuvadira pendi kumeso achida kuti vabve pamba yaanoti ndeyababa vake.

Kudakwashe Motsi anouya kumba akadhakwa nedoro mambakwedza apo anotanga kushungurudza amai vake, Eritha Midzi.

Dzimwe nguva anonzi anovadzipa pahuro uye achivarova nezvibhakera.

Mushure mezvo, anozoenda pamugomo wemarita 20 uzere nependi iyo anotora ovadira kumeso.
Motsi, uyo dzimwe nguva anenge akadhakwa, anotukirira amai vake zvekuvasvitsa kutsime.
Anoparadzawo midziyo yemumba inosanganisira mapoto.

Nekutya kuti mwanakomana wake anogona kupedzisira amuuraya, Midzi akapotera kudare reWestern Commonage Civil Court achida gwaro redzviriro.

“Ndiri kutsvaga gwaro redziviriro kubva kumwanakomana wangu Kudakwashe Motsi. Pose paanobva kudoro, anondimutsa uye ondirova achiti ndinofanirwa kubva paimba yangu yewanano. Anondidzipa pahuro ondirova muviri wose nezvibhakera.

“Pandinenge ndapunzikira pasi, anobva aenda pane bhaketi remarita 20 rine pendi iyo anotora ondidira kumeso,” anodaro Midzi achipisa tsitsi zvikuru.

Anoenderera mberi achiti, “Kudakwashe anobva aenda kuimba yekubikira uko anonoparadza mapureti nemapoto achiti iyi inzira yekundirwadzisa sezvo ndiri kuramba kubva pamba apa. Anenge achishevedzera nezwi riri pamusoro achikanganisa kugara zvakanaka kwemaroja angu.

“Dare ringandibatsirewo here kuti abve pamba pangu uye ngaarege zvekundishungurudza nekuparadza midziyo yangu.”

Mutongi Jeconia Ncube akapa Midzi gwaro rekumuchengetedza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>