Anorova mudzimai zvose naamai vacho

03 Sep, 2021 - 16:09 0 Views
Anorova mudzimai zvose naamai vacho Dare

Kwayedza

Gibson Mhaka

MUCHIITIKO chinoratidza kushaya ruremekedzo, murume wekuBulawayo akatema ambuya vake nechidhinha mumusoro, paruoko nepabvi sechirango chekudziva botso pakati pake nemudzimai wake uyo waakanga ari kurovera mhosva yekuita gumbo mumba gumbo panze.

Pathisani Moyo (36) wekuNew Luveve akamiswa pamberi pemutongi wedare reBulawayo Magistrate Court, VaStephen Ndhlovu, achitarisana nemhosva mbiri dzekurova vanhu.

Anobvuma nhosva dzake pasina kukakama ndokubhadhariswa faindi ye$5 000 uye kukundikana kwake kubhadhara mari iyi achagara mujeri kwemwedzi mitatu.

“Ndakakundikana kuzvidzora mushure mekunge mudzimai wangu aita echipfambi,” anodaro Moyo.

Zvinonzi nomusi wa20 Nyamavhuvhu gore rino zuva rodoka, Moyo akatumira mashoko panhare yaambuya vake, Sphiwe Dube, avo vanogara kuMatsheumhlope kwakare kuBulawayo achivaudza kuti aienda kumba kwavo.

Kwava kuma5 zuva rodoka, akavatumira mamwe mashoko ekuti akanga ava pagedhi izvo zvakaita kuti ambuya vake vabude kumuchingura.Vasvika pagedhi, Moyo akatanga kupomera mudzimai wake mhosva yekuita mabasa echipfambi izvo zvakamutsa kusanzwanana pakati pavo.

Vari mukati megakava kudaro, Moyo akanhonga chidhinha ndokutema mudzimai wake nacho mumusoro pamwe nezvigunwe zvekutsoka kakawanda.
Mushure mekuona kuti mwanasikana wake akanga ava kurohwa, Dube akazama kurandutsira asi akabva atemwawo nemukwasha wake nechidhinha chimwe chete mumusoro, ruoko nepabvi.
Dube nemwanasikana wake vakakuvara zvikuru vachibva vaendeswa kuchipatara kunorapwa uye magwaro ekwachiremba akabuda mudare seumbowo.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa zvakaita kuti Moyo asungwe.

Share This:

Sponsored Links