Uncategorized

Anorova nekutukirira mai vake

14 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Orpah Mukotekwa
AMAI vekugarorohwa kunge nyoka yapinda mumba pamwe nekutukwa nemwanakomana wavo vakazoguma vaenda kudare.

Rubby Chichenga akamhan’arira mwana wake Dairai Chichenga kuHarare Civil Court mushure mekutambudzwa zvakanyanya nemwana wake uyu.

Amai ava vakaudza dare kuti: “Changamire, ndauya kuno ndichida gwaro redziviriro. Mwana wangu uyu anondizvambaradza kunge nyoka yapinda mumba. Handina rugare ndichityira upenyu hwangu hwangova patambo nekuda kwemwana uyu.

“Anouya pakati pehusiku akadhakwa, otanga kunditukirira achindiudza zvinonyadzisira. Handisisina chimiro munharaunda nekuda kwake. Anopunza mahwindo epamba, kutaura kuno imba haina kana hwindo, magonhi ese akapaza achida kundibira zvinhu zvangu.

“Imba yatiri kugara ndakatengerwa nemwana wangu anogara kuAustralia saka ndotiza pamba ndichienda kupi? Ndinosvika kupi ndichizvambaradzwa? Zvandichatoremadzwa ndakura nemwana wangu wandakazvara.”

Akati dzimwe nguva Dairai anogona kudzinga maroja ose pamba asi ari iwo ari kumupa mari yekuti ararame.

“Iye angadai ava kundichengetawo asi kwete, anotondirova achida kutotengesa imba nezvinhu zvangu zvandinotumirwa nemwana wangu ari mhiri.

“Ndakatomboedza kumuendesa kuhanzvadzi yangu ndichifunga kuti pane chinochinja asi hanzvadzi yangu akasvika pakukanda mapfumo pasi akandidzosera. Ndikazoendazve naye kuna mufundisi kuti ambobatsirwawo asi hapana chakachinja,” vakadaro amai ava.

Dairai akapikisa zvakataurwa naRubby achiti:

“Amai ava vari kundinyepera, handina kumbobvira ndakavatuka kana kuvarova. Ini ndatova nemwedzi mitatu ndichirara panze mushure mekunge vandidzinga pamba. Amai vanondihaira mahwindi kuti andirove zvekuti nditoriwo munhu ari kurarama achityira hupenyu hwake.

“Rimwe zuva vakanotsvaga mahwindi akauya akazadza kombi ndikatorwa ndikanopondwa zvekuti ndakazoita zvekudirwa mvura kuti ndimuke.

“Ndakatomboedza kumhan’ara kumapurisa asi akanditi chinhu chinonyadzisa kuti mwana usungise mubereki ndikanzwisisa asi nhasi ndipo amai vangu vari kuuya kuno vachiti ndinovashungudza.”

Mutongi Tafadzwa Muvhami akapa gwaro redziviriro kuna Rubby akati Dairai asarove kana kutukirira amai vake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey