Uncategorized

Anosiya akiira mudzimai mumba

02 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Anosiya akiira mudzimai mumba

Kwayedza

Ashley Muchamiri
MUDZIMAI wemuHarare akaendesa aimbova murume wake kudare redzimhosva achiti ari kumushungurudza zvekuti aimbosiya amukiira mumba kwemazuva akawanda izvo zvaiita kuti asvike pakuitira tsvina imomo.

Rudo Makwara akamhan’arira Tonderai Chadamoyo kuHarare Civil Court.

“Ndinorwadziwa zvikuru nezvinoitwa neaimbova murume wangu. Handichadi nezvemurume uyu nekuti aindirova, osiya andikiira mumba kwemazuva ndichisvika pakuitira tsvina imomo,” anodaro.

Anoti zvakare Chadamoyo ane katsika kekumubata-bata magadziko pamberi pevamwe vaanoshanda navo izvo zvinomubvisa chimiro.

“Ndava kutoshaya pekutarisa nekuti murume uyu anondibata-bata magadziko pamberi pevamwe vandinoshanda navo,” anodaro.

Anoti Chadamoyo anogara achimurova uye akamumhan’arira kakawanda kumapurisa asi nyaya dzacho hadzina kumbobvira dzapinda mumatare edzimhosva.

“Ndakamumhan’arira kakawanda kumapurisa asi pataienda kuti nyaya itongwe, taingonzi munozodzoka, nyaya yaisazopinda mudare zvakare,” anodaro Makwara. Chadamoyo anopokana nezvinotaurwa naMakwara achiti ane mutongo waakapihwa kudare wekuti anofanirwa kusvika paanenge achigara kuti aone mwana wavo.

“Ndinopokana nezvinotaurwa nemukadzi uyu nekuti mutongo wedare watakapihwa unonditendera kusvika panogara mukadzi uyu kuti ndione mwana wandakaita naye,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Makwara gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links