Anosvipirwa mate kumeso navahosi

23 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
MUDZIMAI nyachide pabarika ari kudunura mudare redzimhosva achiti vahosi vake vane katsika kekumusvipira mate kumeso vachimuti muroyi nekuda kweshanje dzekurwira murume.

Melody Ndapfinye akamhan’arira Sibongile Mukahlera kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa rugare pabarika ravo.

“Ngaasauye kumba kwangu achiita ruzha nekuti pese paanouya anondisvipira mate achishevedzera kuti ndiri muroyi, hameno kuti ndakamutadzirei,” anodaro.

“Chiri kuita kuti arambe achiuya kumba kwangu handichaziva nekuti kare aisiuya achisiya vana vake kumba kwangu achiti haana chekuvapa, akazoenda kudare akanzi apihwe mari yemendenenzi asi achiri kuramba achingouya,” anodaro Ndapfinye.

Mukahlera anoti anoda kuramba achienda kumba kwaNdapfinye nekuti anenge achida kuona murume wake sezvo aine chikwereti chake chaari kuda.

“Ari kuda kuti ndisaende kumba kwake asi handibvumirane nazvo nekuti ndinenge ndichida kuona murume sezvo aine mari yangu yaasati andidzosera uye tine vana vaviri tese, saka kuti ndisamuone hazviite. Ko kana ndichida kutaura naye nezvevana vedu ndinoita sei?” anodaro.

Anoenderera mberi achiti haaneyi nekuona Ndapfinye uye anoenda kumba kwake achida kutaura nemurume wavo chete.

“Handina chandinoda kwaari, kana achinge andiona ndichisvika kumba kwake ngaabude panze nditaure nemurume nekuti kuti murume abude haakwanise,” anodaro Mukahlera.

Mutongi akapa Ndapfinye gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links