Anotakura amai vari musvo

24 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Anotakura amai vari musvo

Kwayedza

Courtney Munodawafa

MUMWE mudzimai anoti ari kushungurudzwa nemwanakomana wake — uyo akambomutakura arwara akaenda naye kuchipatara ari musvo — uye waanoti anogara achimuudza kuti hondo iri pakati pavo yakafanana neyeDynamos neCAPS United saka haipere.

Connie Chigume akaendesa Munyaradzi Chigume kuHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

Connie anoti Munyaradzi anomurova nekumutuka.

Mutongi Tilda Mazhande akapa Connie gwaro rinomuchengetedza asi akati aisakwanisa kurambidza Munyaradzi kusvika pabasa pake sezvo iri nzvimbo yavanoshandisa vose.

“Ndinokumbirawo kuti mwana uyu aregere kunditukirira nepafoni uye ngaarege kuuya kumba kwangu kana kubasa. Anofamba achitaura zvandisina kuita.

“Pakafa munhu anoti mhamha ndivo vakauraya, mhosva yangu iri pakuti akakura asina baba, vakamuramba iri nhumbu asi zita rababa vake ndakamuudza.

“Anotaura kuti hondo pakati pangu naiye haisi kuzopera seyeKepekepe neDeMbare. Anoti handina chandikamupa asi rori raari kushandisa ndini ndakamutengera.

“Akaramba chikoro ari Fomu 2 ndikamuti huya tishande tose asi ave kundinetsa. Ukamubvunza kuti anozviitirei anoti ane vanhu vanomutuma,” anodaro Connie.

Anoenderera mberi achiti, “Anorova nekushungurudza mukadzi wake, dai azviregera. Hatichagari tese, ndine vana 4 kumashure kwake.

“Akambobvunzwa kuti sei achidaro amai vake akati zvinokonzerwa nemhepo dziri kubva pazita remhuri raanoshandisa uye anoda kuziva baba vake.”

Munyaradzi akapokana nechikumbiro chaamai vake achiti haasati ambovatuka kana kuvarova.

“Dambudziko riri panaamai vangu nderekuti havafarire mudzimai wangu. Ndakaroora 2014 vakati mukadzi wako anondipei, ona zvaakaita, mutema tarisa uone zvandiri ini amai vako. Ndakabva ndatama pamba ndakanogara muMbare.

“Mwana wangu mukuru vakatozomuona ave nemakore matatu. Panyaya yerori, mari yekuitenga takaishandira tose namhamha ndasiya chikoro 2009,” anodaro.

Anoti amai vake vakamborwara akavatakura kuenda navo kuchipatara vasina kupfeka.

“Vakarwara 2011, ndaivatakura nekugara navo dzimwe dzenguva vasina kupfeka asi vava kunditi ndiri kuvashungurudza. Zvimwe kutsamwa kwavo kuri pakuti handisati ndaripa kwandakanzi ndiite nenyaya yekuvatakura vasina kupfeka. Ndazotsvaga baba vangu nhasi nekuti vave kuti havachadi kundiona uye vari kurambidza hama dzavo kuti dzitaure neni.”

Munyaradzi anoti haana kumbobvira ataura mashoko ekuti amai vake vakauraya munhu.

“Takambonetserana masitendi asi zvakapfuura. Ndozviziva kuti ndikasiyana nemudzimai wangu, zvose izvi zvinopera. Ndakavaudza kuti mwana wangu ari kurwara vakasauya. Asi ndava nemwedzi mitatu ndichivaendesa kumba sezvo mazuva ano vasina mota.

“Zvekutaura kuti vakauraya munhu kwave kutaura kwavo, handina kutaura mashoko akadaro zvimwe vakauraya handizozive,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links