Anozvambura mukadzi netsvimbo yekumasowe

31 May, 2023 - 16:05 0 Views
Anozvambura mukadzi netsvimbo yekumasowe Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anoti ari kuoneswa ndondo nekurohwa nemurume wake achishandisa tsvimbo yekumasowe zvekuti anosvika pakufenda nekutozodirwa mvura kuti abengenuke.

Viola Muputi akazvuzvurudzira murume wake, Israel Muhana, kudare reHarare Civil Court achiti ari kumutandanisa pamba pake paakavaka oga achida kuti mudzimai wake mudiki auye kuzogarapo.

“Murume uyu ari kundidzinga pamba pangu nemhaka yekuti anoda kuti mukadzi wake mudiki achigarepo. Ndinorohwa netsvimbo yekumasowe zvekuti ndinozomukira kuchipatara uye ndinozvirapisa ndega nekuti haana kana sendi raanondipa,” anodaro.

Muputi anoenderera mberi achiti: “Pese patinotadza kuwirirana, anotanga kupaza magonhi nemafafitera pedzezvo haandipe mari yekugadzirisa, ndaneta kuramba ndichiburitsa mari yekugadzirisa.”

Muputi anotiwo Muhana anorova vakadzi vake vose nevana netsvimbo yekumasowe zvekuti mudzimai wechipiri akambozvambaradzwa akabuda ropa munzeve.

Muhana anopikisa mashoko ari kutaurwa nemudzimai wake achiti imba iyi ndeyavo vose uye haasati amborova Muputi.

“Inini ndine vakadzi vangu vana (4), iye ndewechitatu uye hatina mwana tose. Ndakamupa gupuro kare-kare asi ane nharo. Dambudziko rake nderekuti ndiye anoenda kudzimba dzevamwe vakadzi achinovatukirira, anototadzisa vamwe kugara zvakanaka pamusaka pehunhu hwake,” anodaro Muhana.

Mutongi Tamara Chibindi arasa chikumbiro chaMuputi achiti haana kupa umbowo hunogutsa dare pamusoro pekushungurudzwa kwaanoti ari kuitwa naMuhana.

Share This:

Sponsored Links