Kwayedza

Aoneswa chakati tende ne$300 yemendenenzi

MURUME wekusatevedzera mutongo wakapihwa nedare wekuti abhadhare mari yemendenenzi pamwedzi yekuchengeta vana vake vaviri akazozvidemba apo akadonzerwa kuChitungwiza Magistrates’ Courts nemudzimai wake nekuda kwechikwereti che$300. Obey Kanodewata (29) wepanhamba 1355 Retreat, kuWaterfalls, muHarare, akabvuma mhosva yake pasina kupikisa.

Mutongi Blessing Murwisi akamupa chirango chekubhadhara faindi ye$50 ndokuti kukundikana kwake aizogara mujeri kwemwedzi mumwe chete.

Mimwe mwedzi miviri yaakange atemerwa pachirango ichi yakasendekwa padivi paine chitsidzo chekuti anofanira kubhadhara $300 yemendenenzi iyi kumudzimai wake, Nyasha Nyanhunzvi (24), wepanhamba 1047 St Mary’s, kuChitungwiza.